Studio 7 Yoita Hurukuro neVaGari vekuGwanda

Vagari vekuMatabeleland South vanoti vanoda kupihwa simba chairo rekutonga dunhu ravo kana kuti Devolution vachiti izvi ndizvo chete zvinoita kuti nzvimbo iyi ibudirire.

Vachitaura pamusangano wange wakarongwa neStudio 7 neveMedia Centre uchitsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe nemusi weMuvhuro, vakawanda vakati havafari nenyaya yekuti nzvimbo yavo yakasarira kumashure zvakanyanya nenyaya yekuti havana simba rekutonga dunhu ravo zvichienderana nezvido zvavo.

Vanoti vanoona sekuti kana hurumende ikaita chirongwa chekupa matunhu masimba vanosimudzira nzvimbo yavo sezvo vachinyatsoziva nekunzwisisa zvinoda kuitwa.

Amai Linda Mpofu ndemumwe wevanoti zvinhu zvizhinji zvinoitwa kuHarare izvo zvinosiya vanhu vekuMatabeleland South nemamwe matunhu vasina masimba pamatongerwo enzvimbo dzavo pamwe nekufambiswa kwemabasa ehupfumi munzvimbo dzavo.

Amai Juliet Nkiwane vesangano reWomen Development Association in Zimbabwe vakati nyaya yeDevolution hainei nenyaya dzemarudzi asi kuti inyaya yekuti masimba apihwe kumatunhu.

Vanoti izvi ndizvo chete zvinokwanisa kusimudzira matunhu ese munyika. Vamwewo vati hafari kuti nhengo dzeparamende mudunhu iri hadzisi kunyatso vamirira zvikuru panyaya yekuendesa masimba kumatunhu vachiti chinhu chingadai chakaitwa kare sezvo bumbiro remutemo ra2013 richiti ndizvo zvinofanira kuitwa.

Mutauririri weZanu PF muMatabeleland South, VaMalach Nkomo vakatiwo bato ravo nehurumende vari kukoshesa nyaya yekupa masimba kumatunhu uye patove nematanho ari kuitwa kugadzirisa nyaya iyi.

Panyaya yenhengo dzeparamende, VaNkomo, vakati nhengo dzeparamende dzinoshanda dzichiita zvinoda bato uye hadzikwanise kupikisa zviisungo zvebato ringave dreZanu PF kana rimwe ripi zvaro.

Meya vedhorobha reGwanda VaJastone Mazhale vebato reMDC avo vataurawo pamusangano wanhasi vati nyaya yeDevolution yakanaka chose asi vakati pane kufungirana pakati pevanhu kubva kumatunhu akasiyana siyana uye ndizvo zvinoita kuti vamwe vasatsigire chirongwa ichi.

Vatiwo ivo pachavo nevamwe vezvematongerwo enyika nemasangano anoshanda akazvimirira vave kutodzisisa veruzhinji nezvechirongwa ichi uye kuti varonge kuti vanoda kuti hurumende yedunhu ravo imire sei.

Kunyage hazvo bumbiro richiti matunhu anofanira kupihwa masimba ekuzvitonga hapasati pave nemutemo wekuumba hurumende dzematunhu idzi uye dare reparamende rinotarisirwa kuzeya bhiri remutemo uyu munguva pfupi inotevera.

Svondo rapfuura, gurukota rinoona nezvematunhu, VaJuly Moyo, vakatozivisa kuti dare remakurukota rakatobvumirana kuti mutemo uyu uchange wakamira sei.

Musarudzo dzapfuura pakasarudzwa nhengo dzehurumende dzematunhu kana kuti maProvincial Councils, asi nhengoi idzi hadzisati dzatanga basa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya