Ongororo ichangobva mukuitwa nesangano reZimbabwe Democracy Institute, ZDI, inoratidza kuti veruzhinji munyika vanoona masoja nevashandi vemubazi rezvedzidzo sevasina huwori hwakanyanya kana zvichienzaniswa nevashandi vemumapazi akaita seVehicle Inspection Department, VID, Registrar General’s Office neZimbabwe Republic Police.
Zvakabuda muongororo yakaitwa muna Mbudzi zvinoratidza kuti zvikamu zvinodarika makumi mashanu nezvishanu kubva muzana zvinoti huwori hushoma muchiuto nemubazi rezvedzidzo.
Mukuru weZDI, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti zvikamu makumi matanhtau nezviviri zvevakabvurudzwa zvinoti mapazi ose ehurumende ane huwori asi huori uhu huri nani mupapazi maviri aya.
VaRuhanya vanoti vanhu havana ruzivo rwezvinoitika muchiuto uye vanotya kuongorora mashandiro emasoja.
Vanotiwo tsvakurdzo yavo yakaburitsa pachena kuti mapazi ese ehurumende, kusanganisira mapurisa, ave kutya mauto zvekuti mapurisa akawanda ave kutya kuita zvehuwori zvichetvera Operation Restore Legacy iyo yakabvisa vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro gore rapfuura.
Asi vanoti tsvakiridzo yavo yaburitsa kuti vekumahofisi anopa zvitamba zvekuchaira dzimotokari nemapasipoti havana matyira uye vari kuenderera mberi nehuwori.
Pavanhu vese mazana mashanu nevanomwe vakabvunzurudzwa mutsvakiridzo iyi, makumi mapfumbamwe nevatatu vakati hapana chasanduka muVID.
Kumahofisi anopa mapasipoti nebazi rezvehutano ndimo munonziwo mune huwori uye hamuitwe basa nemazvo.
Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaaTabani Moyo, vati vanobvumirana nezvakabuda mutsvakiridzo yeZDI vachiti ichokwadi kuti hautori chitamba chekuchaira motokari kana usina kubvisa chioko muhomwe.
VaRuhanya vanoti vakawanda vavakabvnzurudza vakabudawo pachena kuti vanoona sekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haina zvairi kuita murwisa huwori.
Zvikamu makumi mashani nezvinomwe kubva muzana zvakati vazhinji vese vari muhurumende iripo vakabatsirika zvikuru muhuwori hwaitika panguva yaVaMugabe uye havakwanisi kupedza huwori.
Ingororo iyi yakaitwa muznzvimbo dzinoti Lupane, Gwanda, Thsolotsho, Bulawayo, Umguza, Masvingo, Harare, Kwekwe, Kadoma, Chitungwiza nedzimwe nzvimbo.
Your browser doesn’t support HTML5