Hurongwa hwegore rino hweZimbabwe International Trade Fair, ZITF, hwatanga muBulawayo neChipiri paine makambani nevamwe vari kuratidza zvigadzirwa zvavo zvakasiyana-siyana vakawanda kupfuura gore rakapera.
Makambani nemabhizimisi akasiyana siyana kusanganisira zvikoro zvedzidzo yepamusoro zvinosvika mazana mashanu nemakumi matatu nezviviri zviri kuratidza zvigadzirwa pagungano reZITF, iro ratanga nhasi muBualwayo.
Huwandu hwemakambani ariko gore rino hwakawanda kudarika gore rapera sezvo gore rapera kwaive mabhizimisi mazana mana nemakumi mapfumbamwe nerime akaratidza zvigadzirwa zwawo.
Kambani yeProchem, iyo inogadzira mafuta ekuzora pamwe nemishonga yekugezesa ndiro pamwe nekuchenesa mumba, ndeimwe yemakambani ari kuratidza zvaanogadzira pagungano regore rino.
Mukuru wezvigadzirwa mukambani iyi, Muzvare Clara Matina, vaudza Studio7 kuti vave nemakore akawanda vachiuya kuZITF.
Muzvare Matina vati kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi, kambani yavo iri kuita zviri nani vachitiwo kuuya kuZITF kunobatsira kuti kambani yavo iwane mikana yakawanda yekwekutengesera zvigadzirwa zvayo.
Kambani ine chikoro chinodzidzisa vanhu zvekutenga nekutengesa mari dzenyika dzakasiyana siyana, Forex Trading School, iri kuratidzawo mabasa ayo kuZITF.
Mumwe wevadzidzisi vepaForex Trading School, icho chine muzinda muBulawayo, VaLewis Ngcobo, vanoti vanoona kuita zvekutenga nekutengesa mari paindaneti zviri pamutemo chiri chimwe chinhu chinogona kubastira kumutsurudza hupfumi hwenyika
Nyika yeBelarus, iyo yakashanyirwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mwedzi mishoma yapfuura, iri kuratidzira kekutanga kuZITF uye pane makambani ekunyika iyi anogadzira zvakasiyana siyana kusanganisira matarakita nemichina mikuru inoshandiswa pakugadzira migwagwa kana kuita zvezvichirwa.
Mumiriri weMinsk Tractors, inove kambani yehurumende yeBelarus, VaAndrei Gerasimenko, vati kambani yavo yakatoita chibvumirano nehurumende yeZimbabwe uye vanotarisira kuti vachakwanisa kutengesera dzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica uko vati vange vasati vanyanyopinda.
Zvichitevera rwendo rwaVaMnangagwa kuBelarus, hurumende yakaudza vatori venhau kuti hurumende yeBelarus yakanga yavimbisa kubatsira Zimbabwe nemabhazi mazana mashanu.
Asi hapana kujekeswa kuti mabhazi aya aive emahara here kana kuti kwete.
Mukuru wemuzinda wenyika yeEthiopia, VaGolija Korra, vati kudyidzana pakati penyika yavo neZimbabwe kune nhoroondo yakareba asi vati hukama uhu hahwuna kukura munyaya dzekutengeserana vachiti vanovimba kuti kuvepo kwavo kuchabatsira kugadzirisa izvi.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari mukuru weAffirmative Action Group mudunhu reMatabeleland, VaReginald Shoko, vati kuwanda kwemakambani ari kuratidza zvinhu zvawo gore rino hazvirevi kuti zvinhu zvave kunaka munyaya dzezvehupfumi, asi kuti vemakambanivari kutsvaga mikana yekuwana vanotenga zvinhu zvavanogadzira sezvo gungano iri richipa mukana wakadaro.
ZITF yegore rino ndeye chimakumi matanhatu kubva zvakatanga gungano iri mugore ra1959 uye ine dingindira rekuti “Promoting industrial growth though trade and investment.”
Pane zvirongwa zvakawanda zvichaitwa parutivi rwegungano iri kusanganisira musangano weInternational Business and Investment Conference uchaitwa mangwana apo mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Retired General Constantino Chiwenga, vachange vari munyarikani.
ZITF yegore rino ichavhurwa zviri pamutemo nemusi weChishanu nemutungamiri wenyika yeUganda, VaYoweri Museveni.
Your browser doesn’t support HTML5