UNICEF Inoti Ruzhinji rweVanhu muZimbabwe Rwuri Kutambura

  • Jonga Kandemiiri

Sangano reUNICEF rakaburitsa gwaro rinoratidza kuti zvikamu makumi manomwe nezvisere kubva muzana zvevanhu muZimbabwe, zviri kurarama muhurombo hunotyisa.

Sangano iri rinotiwo zvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana zvevanhu zviri kurarama pasi pezvinotarisirwa.

Izvi zvakabuda pachena mushure meongororo yakaitwa nesangano iri, iyo inonzi “Child-Sensitive Social Protection Survey”. Sangano iri rinoti rakashandisawo zvakare ongororo dzakaitwa nebazi rezvekugara kwakanaka kwevanhu kubva mugore ra2003.

Gwaro iri rinoti vanhu vangangosvika kana kudarika mamiriyoni matanhatu nemazana matanhatu ezviuru, vari kushupika, uye vana vanodarika mamiriyoni matatu, vari kutadza kuwana zvavanoda. UNICEF inotiwo mhuri zhinji dzava kutungamirwa nevana zvichikonzerwa nechirwere cheshuramatongo.

Mutauriri weUNICEF muZimbabwe, Muzvare Tsitsi Singizi, vaudza Studio7 kuti ruzhinji rwevanhu muZimbabwe rwuri kurarama pasi pemari inotarisirwa, sezvo rwuchiwana mihoro iri pasi pePoverty Datum Line.