UN Yotyira Kutyorwa kweKodzero dzeMadzimai neVasikana keChimanimani neChipinge

Women and children wait in a queue for oral cholera vaccinations, at a camp for displaced survivors of cyclone Idai in Beira, Mozambique, Wednesday, April 3, 2019.

Sangano reUnited Nations rinoti riri kutyira zvikuru kuti kodzero dzevanhukadzi nevasikana dzinogona kumbunyikidzwa mumatunhu eManicaland neMasvingo, ayo akavhiringwa nedutumupengo re Cyclone Idai.

United Nations inoti kuwanda kwakaita mauto munzvimbo iyi kune njodzi yekutyorwa kwekodzero dzemadzimai nevasikana kana hurumende ikasatora matanho ekuona kuti mauto aya adzidziswa kukosha kwekodzero dzemadzimai nevasikana.

Gwaro re United Nations, iro rakaburitswa svondo rino nehofisi yemumiriri waro muZimbabwe, UN Resident Coordinator, rinoti madzimai nevasikana vanosvika zviuru gumi nezvishanu, vari munjodzi yekutyorerwa kodzero dzavo apo vanenge vachipihwa chikafu nerubatsiro.

Mauto akapihwa mehurumende basa rekugovera chikafu nerubatsiro kuvagari vekuChimanimani neChipinge, mushure mekunge pabuda mashoko ekuti vezvematongerwo enyika vakange vopindira mukugoverwa kwechikafu.

Studio7 haina kukwanisa kutaura negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, kuti tinzwe pavamire pane zviri kutaurwa negwaro reUnited Nations.

Asi mukuru wesangano re Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti zvakakosha kuti mauto pamwe nevanhuwo zvavo vari muhurongwa hwekugovera vanhu chikafu, vadzidziswe kuremekedza kodzero dzevanhu munzvimbo dzavari kushandira.

VaMavhinga vanoti zvakakoshawo kuti madzimai nevasikana vazivewo kuti chikafu chavari kupihwa ichi, hachisi kubva muhomwe yemunhu anozoda kuitirwa tsvete, uye kuti vamhang’arire vanhu vanoda kutyora kodzero dzavo.

Dutumupengo reCyclone Idai rakatanga nekurova Mozambique risati rapinda muZimbabwe mwedzi wapera.

Vanhu vanopfuura mazana matatu nemakumi mana nevana vakafa mudutumupengo iri, uye vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu nevasere, havasi kuzivikanwa kuti varipi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga