United Nations Yokumbirwa Kuti Vapoteri Vari paDukwi Refugee Camp Vasadzoserwa kuZimbabwe

Dukwi Refugees

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe People Power Movement (ZPPM) ranyorera hurumende yeBotswana nesangano reUnited Nations High Commisisner for Refugees richiti kudzoserwa kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muBotswana nechisimba kuvakanda mudanga reshumba.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZPPM, VaAlbert Matapo, vanoti komiti yesangano ravo yakabuda nechisungo chekunyora gwaro renyunyuto mushure mekunzwa kuti kune vapoteri muBotswana vari kumanikidzwa kudzoserwa kumusha.

VaMatapo, avo vanoti vakatizira kuSweden mushure mekusungwa ndookugadzwa mujeri kwemakore manomwe vasina kutongwa kana kuonekwa vaine mhoswa, vaudza Studio7 kuti hurumende yaEmmerson Mnangangwa iri kutonga nedemo.

Sezvo paine vakamboshandira muchiuto vasati vanotsvaga hupoteri kuBotswana, VaMatapo vaenderera mberi vachiti vanhu vakadaro vachandooneswa ndondo kana kutouraiwa chaiko kana vadzoserwa kuZimbabwe.

Sachigaro wekomiti inotungamira zvizvarwa zveZimbabwe paDukwi Refugee camp, VaExpensive Manenji, vatambira nemufaro danho ratorwa nesangano reZPPM.

Mukuru musangano reUNHCR Botswana, Muzvare Olivia Olubayo-Mgambi, vaudza Studio7 parunhare kuti tsvagiridzo yemamiriro ezvematongerwo enyika muZimbabwe yakaitwa nesangano ravo yakaratidza kuti kuZim,babwe kwava nerunyararo.

Mumuriri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Mukonoweshuro, vakaudza musangano vakaitirwa paDukwi Refugee Camp masvondo matatu apfuura kuti VaMnangagwa vakamirira kugamushira vapoteri ava nemaoko maviri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeBotswana sezvo gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaKabo Morwaeng, varamba kupindura mibvunzo yedu.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri veMDC zvakaparadzirwa misha, uye mazana nemazana evanhu ava, akakuvadzwa kana kuurayiwa mumhirizhonga yakaitika muna 2008, iyo yakaita

Zimbabwe People Power Movement isangano rakaumbwa makore mashanu apfuura nechinangwa chekurwira kodzero dzezvizvarwa zveZimbabwe zvinombunyikidzwa munyika nekune dzimwe nyika.

Sangano iri ratora danho iri mushure mekunzwa kuti vapoteri mazana matatu vanga vachitsika madziro vari paDukwi Refugee Camp muBotswana vave pedyo nekudzoserwa kumusha nechisimba.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo