Ambassador Nichols Vanoshanyira Glen View

Brian Nichols, the new U.S. ambassador to Zimbabwe, says he hopes to see more educational and cultural exchanges between the U.S. and the eastern African country. (State Department courtesy photo)

Mumuriri wAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vashanyira musha weGlen View, vachiona basa riri kuitwa mukurwisa chirwere chekorera.

Ambassador Nichols pamwe nenyanzvi dziri kubatsira mukurwisa chirwere chekorera dzakabva kubazi rehurumende yavo reCenters for Diseases Control (CDC) vashanyira musha weGlen View uko vaudzwa kuti korera icharamba iripo kana nyaya dzemvura nemasiweji nekutakurwa kwemarara dzikasagadziriswa.

Vakafanobata chinzvimbo chemukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Clemence Duri, vaudza Ambassador Nichols kuti kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nekorera hwaderera, zvichatora nguva kuti chirwere ichi chipere nekuda kwekuti zvinochikonzera hazvisati zvagadziriswa.

Ambassador Nichols vati hurumende yavo icharamba ichitsigira Zimbabwe munyaya dzehutano uye kana Zimbabwe ikada rubatsiro, America yakazvipira kuunza dzimwe nyanzvi kubva kuCDC.

Ambassador Nichols vati mangwana chaiwo vachaita musangano negurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, kuti vazeye nezvenyaya yekorera.

Vatiwo ivo vanobatsira nyaya dzehutano uye dzimwe nyika nemamwe masangano vari kubatsira munyaya yekugadzirisa nyaya dzemvura pamwe nenyaya dzemasiweji.

Kusvika pari zvino korera yauraya vanhu makumi mana nevapfumbamwe uye vanhu vanodarika zviuru zvina vakabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya