Vamiriri vemizinda yakasiyana-siyana muZimbabwe, kusanganisira mumiririri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vanoti vakazvipira kurwira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi munyika.
Vamwe vevatora mhiko dzekurwira kuenzaniswa kwemikana vanosanganisira vamiriri venyika dzinoti Canada, Japan, India Brazil neSouth Africa.
Mumiririri weAmerica, VaBrian Nichols, vati zvakakosha kuti varume vave pazvirongwa zvekudzivirira mhirizhonga.
VaNichols vatiwo mhirizhonga kuvanhukadzi nevanasikana inodzivirira budiriro yenyika nekudaro hazvifanirwi kutenderwa mumagariro evanhu.
Vanoona nezvezvirongwa musangano reWomen Coalition of Zimbabwe, Amai SallyNcube, varumbidza danho ratorwa nevamiririri vedzimwe nyika ava vachiti zvinogona kubatsira kuti muzvibvumirano zvavanoita neZimbabwe, vatarisewo kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.
Mukuru weGender Commission, Amai Virginia Muwanigwa, vati zvakakosha kuti varume vazvipire kurwisa mhirizhonga inoitirwa vanhukadzi nevanasikana.
Amai Muwanigwa vatiwo sezvo varume vachiteererana, zvogona kubatsirakuti varume vatsiurane panyaya dzemhirizhonga.
Kurudziro yeHeForShe iyi yakatangwa nesangano re United Nations munyika dzakasiyana-siyana senzira yekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi nevanasikana.
Kurudziro ye HeForShe ndeyekuwana varume vanosvika bhiriyoni imwechete vanotungamirira mukurwisa mhirizhonga.
Your browser doesn’t support HTML5