Bato re Democratic Party remuAmerica rakaita neSvondo manheru misangano mitatu yevanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.
Misangano iyi, iyo yakaitwa munguva dzakasiyana muguta re Austin, ku Texas, yaipa veruzhinji mukana wekubvunza vari kuda kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, uye veruzhinji vachinzwa mhinduro dzaipihwa nevanhu ava.
Misangano iyi yaikokerwa nevatori venhau veCNN, vanoti Dana Bash na Jake Tapper.
Vakatanga kutaura nevanhu ndiVa John Delaney vemudunhu reMaryland, vachiteverwa na Amai Tulsi Gabbard, mumiriri we Hawaai mudare re House of Representatives, wekupedzisira vari meya we Indiana, Pete Buttigieg.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru wezvirongwa zvevadzidzi vepamusoro soro, kana kuti Director of Graduate Programs paMalone University ku Ohio, Doctor Moses Rumano, vanoti misangano yakadai inoremekedzwa zvikuru mukusarudzwa kwevatungamiri venyika muAmerica.
Doctor Rumano vanotiwo Zimbabwe ine zvakawanda zvainogona kudzidza kubva mune zviri kuitika muAmerica, umo vanhukadzi vanopihwa mukana wekukwikwidza zvigaro zvepamusoro soro sechemutungamiri wenyika.
Doctor Rumano vanoti zviri kuitika muAmerica vanozviona zvichizoitikawo muZimbabwe munguva inotevera sezvo Zimbabwe ichiri mwana munyaya dzehutongo hwejechetere kana zvichienzaniswa neAmerica.
Your browser doesn’t support HTML5