Mudzidzi wepaUniversity of Zimbabwe, VaAllan Moyo, vacharamba vari mujeri mushure mekunge dare repamusoro rarasa chikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa yekukurudzira kubviswa pachigaro kwemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Dare rati VaMoyo havana kuratidza kudare iri kuti dare ramajisitireti rakatadza papi parakavanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Chikumbiro chavomudare iri chakanonoka kunzikwa sezvo magwaro ematonerwo akaita nyaya yavo kudare repasi ange asina kumira zvakanaka.
Gweta raVaMoyo, VaObey Shava, vati kuuraswa kwechikumbiro chaMoyo kunoreva kuti VaMoyo vanogona kugara mujeri kudzamara nyaya yavo yatongwa.
VaShava vati havazivi kuti nyaya iyi ichatongwa rini sezvo matare akambomira kunzwa nyaya kudzamara denda reCovid-19 rapera.
Vatiwo pane mukana wekudzokera kudare repasi kuti vaone kuti vangapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso here.
VaMoyo vave nemazuva anodarika makumi mashanu vari mujeri kubvira pavakasungwa uye vamwe vavakasungwa navo, vakaburitswa mujeri mushure mekubhadhara mari yechibatiso.
Zvichakadai mapurisa eZimbabwe Republic Police asimbaradza Lockdown mushure mekuona kuti veruzhinji pamwe vevamwe vemabhizimisi havachatevedzeri mutemo weLockdown uyo wakanangana nekudzirira kupararira kweCovid-19.
Mapurisa anoti pane zvitoro zvakawanda zvisingaite basa rakakosha panguva ino zvakaita sezvinotengesa mbatya, shangu, fenicha nezvimwe zvange zvave kuvhura zviri kunze kwemutemo.
Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vatiwo pane vanhu vakawanda vari kungofamba vasina kupfeka mamasikiti uye vasina mvumo yekupinda mukati meguta.
VaNyathi vatiwo huwandu hwevanhu vari kukusungwa nekutyora mutemo weLockdown huri kuramba huchikwira vachiti nezuro kwakusungwa vanhu zviuru zvitatu nezana nevashanu vainge vatyora mutemo weLockdown.
Your browser doesn’t support HTML5