Mutungamiri weCentre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vakabviswa ku Avenues Clinic neMuvhuro svondo rapera, ndokuendeswa kuchipatara chepa Harare Remand Prison.
VaMaguwu vanonzi havasati vava kunzwa zvakanaka kubva pavakasungwa vachipomerwa mhosva yekubudisa mashoko anonzi nehurumende anosvibisa chimiro chayo.
VaMaguwu vari kudzokera zvakare kumatare neChitatu apo nyaya yekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso ichanzwikwa zvakare.
Va Johane Zviuya, mumwe wemagweta ari kumirira VaMaguwu. VaZviuya vati vanotarisira kuti mapurisa anenge apedza wongororo yavo kuti VaMaguwu vabvisiswe mari yechibatiso.
Hurumende yeAmerica ne European Union dzinoti Zimbabwe inofanirwa kugadzirisa nyaya yemangoda ekwa Marange, kuitira kuti ipihwe mvumo yekutengesa mangoda ayo ne Kimberly Process. Izvi zvinotevera makatanwa ari muKimberly Process pamusoro pemangoda ekwaChiadzwa. Musangano weKimberly Process wakaitwa kuIsrael wakatadza kunuda nechisungo panyaya yemangoda ekwaMarange. Nyaya iyi ichazeiwa kumusangano uchaitirwa kuRussia mwedzi unouya.
Zimbabwe inoti ine mangoda anosvika zviuru mazana mana zvemakaratsi emangoda ekwa Chiadzwa akamirira mvumo yekuti atengeswe. Asi hurumende yakamboti ichatengesa mangoda ayo kana isina kuwana rutsigiro kubva kuKimberly Process.
Ukuwo gurukota remigodhi, Va Obert Mpofu, vanoti masangano eHuman Rights Watch ne Africa Partnership Canada aida kupihwa neZimbabwe chioko muhumwe kuitira kuti vatsigire Zimbabwe kumusangano weKimberly Process.
Asi mashoko aya arambwa nemasangano aya. Va Fambai Ngirande vanoshanda ne Inter-Church Organisation for Development Corporation. Va Ngirande vanoti VaMpofu vanoziva zvinodiwa kuti Zimbabwe iite kuitira kuti mangoda enyika atengeswe kwete zvekutenderedza vanhu nenyaya dzisina maturo ose.