Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden nezuro vakatura mashoko kuvanhu vachiti nyika yavo ichakunda muhondo yekurwisa chirwere checoronavirus.
VaBiden vakataura mashoko aya apo vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi muAmerica vamwe vave kunetseka zvikuru nezvekudya.
Asi kunyangwe chirwere checoronavirus chiri kupararira uye vanhu vari kukurudzirwa kuti vasafambe pazororo rakakosha muAmerica reThanksgiving, vanhu vakawanda zvikuru vari kukwira ndege vachinoshanyira hama dzavo kumativi mana enyika.
VaBiden vakakurudzira vanhu vemuAmerica kuti vasimbaradze kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 vachiti vanoziva havo kuti vanhu vaneta asi zvakakosha kuti vasarase chirongo vasvika.
Svondo rino, mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vakatevedzerawo tsika yevatungamiri veAmerica yekupihwa ngarikuni rekudya nematunhu akasiyana siyana asi voriregerera.
VaTrump vakati zororo rino reThanksgiving vari kuda kupa kutenda kuna vama chiremba, vakoti, vamwe vanoshanda muzvipatara uye nenzyanzvi dzakagadzira mushonga wekurapa denda reCovid-19.
Asi kunyangwe zororo reThanksgiving rakakosha, havasi vanhu vose vari kupembera gore rino sezvo vanhu mamiriyoni makumi mashanu vakatarisana nenzara muAmerica.
Zzvinonzi nesangano reFeeding America zvanyanya kukonzerwa nekuti vakawanda vakamiswa mabasa nechirwere cheCovid-19 icho chabata vanhu vave kuda kusvika mamiriyoni gumi nevatatu kana kuti 13 million uye kuraya vanhu zviuuru mazana maviri nemakumi matanhatu nevaviri muAmerica.