VaBiti Vokurudzira Kuti Hurumende Itore Minda yeMangoda

  • Blessing Zulu

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti hurumende ichaumba mutemo unoita kuti kucherwa kwemangoda anenge ari pedyo nepamusoro pevhu kana kuti alluvial diamonds akaita seekwaMarange kuitwe nehurumende chete uye kuti mari yese yekutengeswa kwemangoda ibatwe nebazi ravo.

VaBiti vakataura mashoko aya pavanga vachiparura hurongwa hwepakati pegore hwemashandisirwo emari nemapazi ehurumende.

Vachitaura mafambiro akaita hurongwa hwavo hwekushandiswa kwemari mukati memwedzi mitanhatu yekutanga kwegore, VaBiti vati hurumende ichaunza mutemo weDiamonds Act pamwe nekuvandudza mimwe mitemo yakaita sewe Zimbabwe Mining Development Corporation (ZMDC) Act kuitira kuti ikwanise kuona kuti mari inowanikwa pakucherwa kwemangoda yabatsira nyika.

Vati izvi zvakananganawo nekuti makambani ese kana vamwe vanhu vese vasapiwe mukana wekuchera mangoda, sezvo izvi zvichiita kuti hurumende irasikirwe namari sezvakaitika apo kambani yeZMDC yakatengesa mangoda akawanda nemari inota US$30 million ikasasvika kubazi ravo kana kuZimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA.

Vatiwo zvakakosha kuti Zimbabwe itevedzere zvinodiwa neKimberley Process, kuitira kuti ikwanise kutengesa mangoda ayo. Vatiwo hurumende inofanira kuona kuti yagadzirisana kunze kwematare pakupokana kwayo nekambani yeAfrica Consolidated Resources, iyo iri kuti ndiyo ine mvumo yekuchera mangoda ekwaMarange.


VaBiti vati hurongwa hwavo hauna kufamba zvakanaka, uye hwakanyanya kuvhiringwa zvikuru nekuburitswa kwakaitwa mitemo yehurumende yekupa hupfumi kuvatema, kusavepo kwemari yakavimbiswa nemasangano kana nyika dzekunze, pamwe nekutadza kuwana mari nekuda kwekusabhadhara zvikwereti.

Vatiwo mari inoshandiswa kubhadhara vashandi vehurumende yakwira zvange zvisina kutarisirwa. Vati izvi zvakonzerwa nekuti hurumende yakawedzera vashandi vayo mari apo vakaramwa mabasa, uye nekuti pane vamwe vashandi zviuru makumi maviri, vazhinji vacho varairidzi vakadzoka kubasa gore rapfuura, asi vakazotanga kutambira mari gore rino.

Vati hurumende ichatotsvaga mari yekuona kuti yakwanisa kutambirisa vashandi vayo vese, sezvo mari yavenge vakaronga kutambirisa vashandi, isisakwane. Vatiwo kunyange hazvo vange vakaronga kuti vachakwanisa kuwana US$1.4 billion, vanofara kuti mari iyi yakwira kusvika paUS$1.7 billion pachapera gore.

Vatiwo imwe nyaya iri kukanganisa hupfumi inyaya yekuramba vanhu vachidhurisa zvinhu pamwe nekubhadhara mihoro yakakura, vakati katsika aka kakanyanya mumakambani ehurumende nemumakanzuru.

Vati vane matanho avari kutora kugadzirisa nyaya iyi. VaBiti vawedzera mari inotambirwa nevanhu vasingabatirwi mutero kubva pamadhora zana nemakumi matanhatu kusvika pamadhora zana nemakumi manomwe nemasere. Vati kunyange hazvo vange vachitarisira kuti hupfunmi hwenyika huchakura nezvikamu zvinomwe kubva muzana, hwave kuzokura nezvikamu zvishanu nechidimbu kubva muzana.

Zvaturwa mudare naVaBiti zvasiyana zvakanyanya nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, panyaya yekutengeswa kwemangoda ekwaChiyadzwa. VaMugabe vanoti Zimbabwe ichatengesa mangoda aya kunyange Kimberly Process ikainyima mvumo.

Asi VaBiti vati zvakakosha kuti Zimbabwe itevedzere zvese zviri kudiwa neKimberly Process.

Zanu-PF neMDC zvanetsana zvikuru panyaya yeminda. VaBiti vati vanhu vanofanira kupihwa masimba pamutemo panyaya dzeminda yavo, kana kuti title deeds, kutira kuti vakwanise kuwana zvikwereti. Izvi hazvina kutambirwa zvakanaka neveZanu-PF. VaJoram Gumbo ndivo vanokokera Zanu-PF mudare reparamende. VaGumbo vanoti vanhu havafanire kupihwa masimba anotsigirwa nemitemo panyaya yeminda, sezvo minda ichifanira kuve yehurumende.

Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vanowirirana nemashoko aVaBiti uye zviri kutaurwa neZanu-PF hazvina maturo.