VaChamisa Vanodoma Makurukota eBato Ravo

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri webato reMDC, VaNelson Chamisa, neChitatu vakadoma vanhu vachange vachifambisa mabasa akasiyanasiyana mubato ravo, vachishanda semakurukota ebato, kana kuti shadow cabinet.

VaChamisa vakatorawo mukana uyu kuzadzisa zvigaro mumakomiti anoti National Standing neNational Executive, zvakanga zvisina kuzadziswa pakongiresi yebato iri yakaitwa kuGweru mwedzi wapera.

Vamwe vakadomwa muzvigaro zvekuve makurukota emapazi vanosanganisira VaDaniel Molokele, avo vachatungamira bazi rezvekuburitswa kwemashoko, vari mutauriri webato zvakare, vachiteverwa naVaLuke Tamborinyoka.

Muzvare Gladys Hlatswayo vachange vachiona nezvekudyidzana nedzimwe nyika vachitevererwa naVaDouglas Mwonzora, VaElias Mudzuri vachiona nezvekutongwa kwematunhu, kuchitiwo Muzvare Farai Mahere vachidomwa kuve munyori anoona nezvedzidzo nemitambo. Muzvare Mahere vachangobvawo kupinda mubato reMDC.

VaMorgen Komichi vakadomwawo kuve chipangamazano chemutungamiri webato, VaChamisa. Vamwe vakapiwa zvhigaro vanosanganisira Muzvare Maurine Kademaunga, avo vakaitwa munyori anoona nezvevashandi nemabasa.

VaMolokele vakatora chigaro chaive naVaJacob Mafume, avo vave kuona nezvesarudzo.

Bato iri rakadzikawo mutemo unotara nguva inofanirwa kunge munhu ari pachigaro, iyo inove matemu maviri chete, kana kuti makore gumi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusorosoro paUniversity of Johannesburg, Doctor Pedzisai ruhanya, vanoti vanoona sekunge VaChamisa vakabaya dede nemumukanwa, sezvo vanhu vavakasarudza vaine hunyanzvi husingapikiswa nevari mubato kana vari kunze kwebato reMDC.

Vanotiwo mutungamiri webato rinopikisa uyu akaitawo zvakanaka mukusanganisa vanhu vane nhoroondo yebato iri kana kuti ruzivo rwebato, nevechidiki vachiri kutemwa dzinobva ropa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya