Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vane chivimbo chekuti vachakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika zvine mutsindo musi wa 30 Chikunguru.
VaChamisa vakataura mashoko aya vari muMidlands neChishanu uko vakaita misangano yekutsvaga rutsigiro kuMataga neMberengwa.
Asi VaChamisa vakati kukunda kwavo kunogona kukanganiswa nesangano reZimbabwe Electoral Commission, Zec, iyo vakati haisi kubata sarudzo zvakanaka.
Vakati Zec inofanira kurega zvekuvanza zvinhu panyaya yegwaro revavhoti uye bepa rekuvhotera.
Mashoko aya ari kutsinhirwawo nemamwe mapato anopikisa, Zimbabwe Election Support Network nevaongorori veEuropean Union.
Asi Zec ichitsigirwa nevamwe vebato reZanu-PF inoti iri kuita zvose zvinodiwa.
VaChamisa vakatiwo vari kushushikana zvikuru nemararamiro ari kuita vanhu munzvimbo yeMberengwa umo vakati hamuna migwagwa yakanaka kana mazambuko.
MDC Alliance iri kumirirwa nenyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Doctor Tyanai Masiya, avo vachatatsurana negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoram Gumbo veZanu PF, musarudzo yekutsvaga mumiriri weMberengwa West muNational Assembly.
Vamwe vari kukwikwidza musarudzo iyi ndiva Vincent Moyo veMthwakazi Republican Party naVaHamufadzi Zhou cePeople's Rainbow Coalition.
Vakatiwo vakasarudzwa kuti vatungamire nyika, vachayedza napose pavanogona napo kugadzirisa matambudziko akatarisana nevagari vemunharaunda iyi nemamwe maruwa.
VaChamisa vachange vari kuZvishavane neMugovera vachienderera mberi nekutsvaga rutsigiro.
Your browser doesn’t support HTML5