VaChamisa Vanoti VaMnangagwa Ngavakumbire Ruregerero paNyaya yeGukurahundi

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanira kutanga vakumbira ruregerero kana vachida kugadzirisa nyaya yeGukurahundi iyo vakati vanhu vanofanira kusungunuka kutaura nezvayo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa

Kubva muna 1983 kusvika 1987, vanhu vanogona kusvika zviuru makumi maviri vakaurayiwa kuMatabeleland neMidlands nemauto eFifth Brigade.

VaMnangagwa ndivo vaive gurukota revasori panguva iyi.

Vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti iyi yaive nguva yekumbopenga asi vakaramba kukumbira ruregerero.

Asi VaMnagagwa kubva zvavakasarudzwa kuva mutungamiri wenyika, vakavimbisa kugadzirisa nyaya yeGukurahundi.

Asi mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, avo vakamboti VaMnangagwa vainge vasineyi nezvakaitika vachipomera VaMugabe mhosva vanoti iyi yaive hondo uye kwakafa vanhu kumativi ose.

Studio7 yakundikana kubata VaCharamba kana gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vanoti zvakataurwa naVaCharamba ndizvo chaizvo zvinomirira pfungwa dzehurumende zvekuti iyi yaive hondo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEnergy Mutodi