VaChamisa Vanoti VaMnangagwa Vanofanira Kugadzirisa Zviri Kunetsa Kana VaChida Kuti Nyika Ifambire Mberi

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa veMDC Alliance nevatsigiri vavo.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance Vanelson Chamisa vanoti kuti nyika ifambire mberi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kuvandudza zvinhu zvakawanda kuunza hutongo hwejekerere.

VaChamisa vanoti parizvino havana hurongwa hwekupinda muhurumende yemubatanidzwa asi kana pakaitwa hurukuro dzinofanira kunge dziine chinangwa chekuunza hutongo hwejekerere.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti zvavanoda kuti zvigadziriswe zvinosanganisa kuvandudzwa kwesangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, kumiswa kwenyaya yekushungurudzwa kwevanhu vanotsigira mapato anopikisa. Vatiwo nyaya yezvehupfumi inofanira kugadziriswa sezvo vanhu vakawanda vari kunonga svosve nemuromo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa