VaChamisa Vodomwa neMatunhu Mashanu Kuti Vatungamire MDC

VaNelson Chamisa

Nhengo dzebato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reMashonaland West yadoma VaChamisa kuti vatungamire bato kubva pakongiresi uye VaCharlton Hwende kuti vakwikwidze chinzvimbo chemunyori mukuru.

Dunhu iri radomawo Muzvare Mpariwa, VaMorgan Komichi naVaTendai Biti kuti vave vatevedzeri vaVaChamisa.

Kusvika parizvino bato reMDC raita makongiresi munzvimbo dzinoti Matebeleland South, Matebeland North, Midlands, Mashonaland West neUnited States.

Parizvino dunhu reMashonaland East riri pakati pekuita kongiresi yavo. Vachitaura nhasi muChinhoyi mutauriri webato iri VaJacob Mafume vanoti makongiresi avo ari kufamba zvakanaka.

VaRalph Magunje ndivo vasarudzwa kuve sachigaro wedunhu vakunda VaWilson Makanyaire.

VaMagunje vanoti vachagadzirisa zvose zvavakakanganisa uye vachashanda nenhengo dzose mudunhu.

Sezvo pasina tsime risina datya imwe nhengo yaida kukwikwidza sasachigaro wedunhu VaGift Konjana vakarambidzwa vashoropodza kurambidzwa kwavo vachiti kushaya hutongi hwejekerere. VaKonjana vanoti pane matunhu madiki ayida kuva doma asi vakarambidzwa.

Panyaya yekudomwa pakongiresi VaMafume vanoti zvinogona kuitika chete kana vanhu vose vanechekuita nechinzvimbo chiri kukwikwidzwa vawirirana.

Kusvika parizvino VaChamisa chete ndivo vadomwa pachinzvimbo chemutungamiri webato uye nhengo shanu dzinoti VaKomichi, VaBiti, Muzvare Mpariwa, VaWelshman Ncube naAmai Lilian Tiomvous vakadomwa kuve vatevedzeri vemutungamiri webato.

VaDouglas Mwonzora, VaHwende naVaDaniel Molekheli vakadomwa kuti vakwikwidze chigaro chemunyori mukuru webato. Muzvare Thabitha Khumalo naVaJoel Gebuza vakadomwa kuve sachigaro webato.

VaMafume voga ndivo vakadomwa semutauriri webato kuzvika parizvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naArthur Chigoriwa