VaCyril Ramaphosa Vokurudzira European Union kuti Ibvise Zvirango Zvayakatemera Zimbabwe

Cyril Ramaphosa

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakakurudzira European Union kuti ichibvisa zvirango zvakatemerwa Zimbabwe, vachiti iri kuvandudza zvinhu.

Vakatiwo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanofanirwa kutsigirwa mubasa ravari kuita kunyukura Zimbabwe mumadhaka mairi.

Bepanhau reChronicle rinoti VaRamaphosa vakataura izvi pamusangano uchangoitwa wechinomwe we South Africa European Union ku Brussels.

Asi vamwe vanotevera zvematongerwo enyika vanoti manyepo eSouth Africa ndiwo anokonzera kutambudzika kweZimbabwe vachiti VaRamaphosa vanonyatsoziva kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru mubato reZanu-Pf kwete vanhuwo zvavo.

Vanoti izvi zvakaitwea sezvo vakuru ava vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Mumwe wevanoongorora zvematongerwo enyika, VaWilbert Mukori, vanoti VaRamaphosa varikurova imbwa vakaviga mupini. Vanoti zviga zvakatemerwa vakuru ava kuti zvirango zvibviswe hazvisati zvazadzikiswa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWilbert Mukori