Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaFrederick Willen de Klerk vakashaya nemusi weChina.
VaDe Klerk ndivo vakave mutungamiri wenyika muchena “wekupedzisira pasi pehutongo hwehudzvinyiriri nerusaruraganda kana kuti “apartheid.”
Vange vave nemakore makumi masere nemashanu ekuberekwa. VaDe Klerk avo vakasungunura mushakabvu Nelson Mandela, mutungamiri weSouth Africa mutema wekutanga vakatungamira nyika kubva muna 1989 kusvika 1994 uye vakazoita mutevedzeri waVaMandela kubva muna 1994 kusvika muna 1996.
Mumashoko kuvatori venhau, sangano reF. W. de Klerk Foundation razivisa kuti vakashaya kumba kwavo kuCape Town mushure mekurwara nechirwere chegomarara. F.W de Klerk Foundation yatiwo mhuri yaVaDe Klerk ichazivisa mukufamba kwenguva kuti vacharadzikwa kupi.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi vaudza Studio 7 kuti VaDe Klerk vakashanda kuunza runyararo nekugadzikana muSouth Africa zvakazopa kuti vapihwe mubayiro werunyaro pamwe chete naVaMandela muna 1993.
Your browser doesn’t support HTML5