Vagari vekuMasvingo Vanoti Nzara Yopfunya Chisero Apo Vari Kunzi Vagare Mudzimba

Vamwe vagari mudunhu reMasvingo vanoti vave kuyaura nenzara
sezvo zvikafu zvavakange vakachegeta zvopera apo nyika yapinda muzuva
rechisere yaparura chirongwa chekuti vanhu vagare mudzimba vasingaende
kumabasa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere checovid-19 kana
kuti coronavirus.

Vagari vataura neStudio 7 vanoti vari panguva yakaoma sezvo zvitoro
zvinotengesa chikafu zvave kuvhurwa kwema awa mashanu uye mamwe mapurisa achimbovarambidza kubuda mudzimba. Vanhu vanonziwo vanofanira kutenga pazvitoro zviri pedyo pedyo navo chete.

Amai Entrance Takaedza vashorawo nyaya yekukurumidza kuvhara zvitoro zvinotengesa mishonga kana kuti mapharmacies vachiti zvinoisa varwere munjodzi

Vamwewo vekumaruwa vakaita saVaHery Makusha vanogara kuNemamwa vanoti kunze kwenguva diki iri kuvhurwa zvitoro vanhu vazhinji vave kutarisana ne nhamo yesadza sezvo hupfu huri
kudhuriswa kubva pakatanga chirongwa chekuti vanhu vagare mudzimba.
VaEdward Jacob Mnzanga vanorarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka nekuti havachina chekubata.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumnede panyaya iyi, sezvo gurukota
rezve kufambiswa kwemashoko , Amai Monica Mutsvangwa, vati vange vari
mumusangano.

Asi mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nezuro vakaudza vatori venhau mushure mekutenderera munzvimbo dzinogara veruzhinji kuHarare kuti vachaongororazve nezvechirongwa ichi.

Mune imwewo nyaya sagano rinomirira vagari reMasvingo United Residents
and Rate Payers Alliance(MURRA) nhasi raendesa kanzuru yeMasvingo
kudare repamusoro richipa chikumbiro chekuti kanzuru, bazi rezvehutano nerematunhu manikidzwe kupa vagari mvura mudzimba nguva dzose kuti vakwanise kudzivirira chirwere cheCovid-19 icho chinoda kuhatsanana hwakawanda.

Gweta reMURRA VaMartin Mureri vanoti mvura yakakosha kuvagari panguva ino.

Mutongi wedare VaNeville Wamambo, vambosendeka nyaya iyi parutivi kusvika magwana vachiti vakamirira magweta emapazi ehurumende ayo atadza kuuya kudare nhasi.

Dhorobha iri rave nemwedzi yakawanda vagari vasingawane mvura mudzimba izvo zvinoita kuti vararame nemvura yemuzvibhorani.

MuHarare dare repamusoro rakatotonga svondo rapera kuti kanzuru nemapazi ehurumende aya vaone kuti vanhu vawaniswa mvura yakachena munyaya yainge yakwidzwa kumatare nerimwe sangano rinomirira vagari reCombined Harare Residents Association