Hurumende Yoda Kuziva Vanochera Zvibhorani

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Bazi rinoona nezvekutengeswa kwemvura munyika, reZimbabwe National Water Authority (ZINWA), razivisa kuti richatanga chirongwa chekuti vose vanoda kuchera zvibhorani zvemvura vatange vanyoresa nebazi iri vopihwa mvumo yekuita izvi.

Gurokota rezvemvura, Va Samuel Sipepa Nkomo, vanoti chirongwa ichi chiri kuitirwa kuti hurumende ikwanise kuziva pari kucherwa zvibhorani kuitira kuti izive mafambisirwo ari kuita mvura yemuzvibhorani.

Mashoko aVaSipepa Nkomo anouya apo kanzuru yeHarare iri kuti yagadzirisa pombi dzemvura dzakanga dzaputika mazuva matatu apfuura. Kuputika kwepombi idzi kwanga kowedzera zvakanyanya kushaikwa kwemvura munzvimbo dzakawanda muguta iri.

Mutevedzeri wameya weHarare, VaEmmanuel Chiroto, vanoti kugadziriswa kwaitwa dambudziko iri kuchaita kuti zvinhu zviti rerukeyi zvishoma muguta.

Asi vamwe vagari vemuHarare vanoti kanzuru inofanirwa kugadzirisa zvinhu nechimbichimbi kuitira kuti zvirwere zvakaita se typhoid nekorera, izvo zvinokonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena, zvisadzoke.

Mumwe mugari wemuHatcliffe, VaGarikayi Mahlengwe, vanoti havasi kufara nemari dzavari kubhadhariswa nekanzuru idzo vanoti dzakawandisa zvichienzaniswa nezvavari kuwana kubva kunzuru.