Vakaputsirwa Dzimba kuBudiriro Vokumbira VaConstantino Chiwenga Kuti Vavabatsire

  • Blessing Zulu

Budiriro

Vamwe vakaputsirwa dzimba kuBuduriro pasi pemushandirapamwe unonzi Tembwe Housing Cooperative vanyora tsamba kumutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga kuti vavabatsira sezvo vari kuti mukanzuru maita huori.

Mumwe akaputsirwa imba VaEddison Zibwowa vanoti havasati havo vawana mhinduro kubva kuna VaChiwenga.

Vanotiwo vakanyora tsamba kusangano rinorwisa huori reZimbabwe Anti-Corruption Commission makore maviri adarika asi harina kutumira vanhu kuzoferefeta nyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wesangano iri VaJohn Makamure kuti tinzwe divi ravo.

Asi vachitaura nevatori venhau, gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vakati hapana kudzokera kumashure pakupwanya dzimba dzakavakwa zviri kunze kwemutemo panongopera mvura kunaya kusanganirisa vedzimba dzeTembwe dzekuBudiriro idzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEddison Zibhowa