Vakaremara Voita Musangano Wakakosha Kukurudzira Kuremekedzwa kweKodzero Dzavo

Vamwe vanomiririra vakaremara vanoti hurumende inofanira kuona kuti zviri mugwaro reNational Disability Policy zvatevedzerwa kuitira kuti vakaremara vakwanise kurarama hupenyu hwakafanana vevamwe vanhu vose.

Gungano reNational Disability Expo iro riri kuitwa paGweru Sports Club muguta reGweru rakapinda muzuva rechipiri nemusi weChipiri masangano akasiyana siyana ane chekuita nevakaremara achiratidza mabasa aanoita.

Muzvare Elisa Ravengai avo vanove murongi wemabasa musangano reFederation of Organisations of Disabled People in Zimbabwe, kana kuti FODPZ, vati vanofara kuti hurumende yakaparura gwaro reNational Disabilty Policy muna Chikumi gore rino.

Vati izvi hazvifanirwe kungogumira pamapepa asi kuti zvinofanirwa kuzadzikiswa nezviito kuitira kuti hupenyu hwevakaremera husimukire.

Muzvare Ravengai vati vanofara kuti pave nebazi rakazvimirira rega rinoona nezvevakaremara pasi pegurukota rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu vachiti izvi zvinobatsira kuti zvinhu zvakasiyana siyana zvinonetsa vakaremara zvigadziriswe.

Amai Lucia Nkomo ndivo mukuru wesangano rinoshanda rakazvimirira rega reWIZEar. Sangano iri rinobatsira kurapa pamwe nekuwanisa zvinobatsira matsi.

Amai Nkomo vati gungano reNational Disability Expo rinobatsira kuti veruzhinji vawane ruzivo pamusoro pemabasa anoitwa nemasangano akaita seavo.

Ambuya Lucia Vandira vane makore makumi manomwe nemaviri ndemumwe wevanhu vauya pagungano iri uye vane muzukuru wavo ane makore gumi uyo ane hurwere rwecerebral palsy uye vati vauya kuti vawane kuti angabatsirika sei. Vatsinhirawo kuti vanoona gungano rakadai richibatsira zvikuru.

Gungano reNational Disability Expo rinoitwa pasi pehofisi yachipangamazano kumutungamiri wenyika panyaya dzevakaremara uye iri nderechipfumbamwe kuitwa munyika.

Mutungamiri wenyika VaEnmerson Mnangagwa vanotarisirwa kuvhura gungano iri zviri pamutemo nemusi weChitatu. Nezuro chipangamazano chaVaMnangagwa panyaya dzevanorarama nehurema VaJoshua Malinga vakati vanhu havafanire kutarisira pasi kana kutya vakaremara vachiti vanhuwo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kudzanai Musengi