Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaBrian Kagoro vanoti vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaThabo Mbeki vanofanira kutanga vaongorora kuti chii chakambopa kuti zvimwe zvakatenderana kuti zviitwe pavaive mutongi gava muZimbabwe zvisazadzikiswe.
VaMbeki ndivo vakabatsira kuti muZimbabwe muitwe hurumende yemubatanidzwa kubva muna 2009 kusvika muna 2013.
Vanonzi vane chido chekuyedza kuyananisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa.
Asi VaMnangagwa vanoti nhaurirano dzinofanira kuitwa pasi pePOLAD iyo vakaunganidza mamwe mapato madiki kuti vaite nhaurirano.
Asi VaChamisa vanoti POLAD kupedzera hoko padehwe retsindi.
Your browser doesn’t support HTML5