Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemusi weChina vakavhura chikamu chechina cheparamende yechipfumbamwe vachiti hupfumi hwenyika huri kukura kunyange hazvo nyika yakatemerwa zvirango zvehupfumi uye kuine denda reCovid-19.
Vachitaura vari kumuzinda wavo weState House, VaMnangagwa vati vanofara chose kuti hupfumi wenyika huri kukuru vakati gore rino huchakura nezvikamu zvinodarika makumi manomwe kubva muzan. Vati zvese izvi zviri kuitika kunyange hazvo nyika iri pasi pezvirangop zvayakatemerwa nedzimwe nyika.
Vati hupfumi huchakwira nekuda kwegoho rakanaka mwaka uno, mitengo yezvicherwa yakanaka pamisika yepasi rese pamwe nematanhi ekumisa kupararira kweCovid-19 ari kuitwa nehurumende yavo.
Vatiwo zvimwe zviri kuita kuti hupfumi hukure inyaya yekuti musika wemari uri kushanda zvakanaka uye vachaisa mari yakawanda kumusika uyu urambe uchishanda zvakanaka.
Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa vaudza Studio 7 kuti havabvumirane navaMnangagwa kuti hupfumi hwenyika huri kufamba zvakanaka.
VaMnangagwa vati hurumende iri kutsigira mabasa ekurima izvo zvaita kuti nyika ive nechikafu chakakwana pamwe nekusimbaradza hupfumi hwenyika. Vatiwo varimi vanofanira kutora kurima sebhizimisi vakavakurudzira kuti vachitanga kugadzirira mwaka unotevera.
Vatiwo zvichitevera kubudirira kwechirongwa chehurumende chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19, masangano akawanda ekunze kwenyika ari kukumbira Zimbabwe kuti aiite misangano yavo kuVictoria Falls uko kwakatanga kubayiwa vanhu vakawanda nhomba.
VaMnagagwa vatiwo vanoshushikana zvikuru kuti dambudziko rekushandisa zvinodhaka rapararira mune vechidiki vakati vakatoumba komiti yemakurukota avo kuti irwise dambudziko iri.
Vati pasi pechikamu chavavhura nhasi, paramende inotarisirwa kupasisa mitemo inechekuita kuendesa masimba kumatunhu. Vakati nekuda kwaizvozvo paramende inofanira kupasa mabhiri anoti Provincial Councils Bill, Urban Councils Amendment Bill, Rutal Councils Amendment Bill, Traditiona Leaders Amendement Bill nemamwe.
Vatiwo pamitemo yese yaida kuvandudzwa kuti ienderana nebumbiro remutemo pasara mitemo makumi matatu nemviri chete uye mitemo iyi ichavandudzwa muchikamu chechina cheparamenee yepchipfumbamwe.
Mitemo iyi inosanganisira mitemo ine chekuita nemashandire emauto ne mapurisa.
Mimwe mitemo inotasiriwa kuvandudzwa mitemo inoona nezvevanorarama nehurema, kuchengetedzwa zvakanaka kwevana pamwe nemutemo unoona nezvemasangano anoshanda akazvimirira.
Sachigaro webato rinopikisa reMDC T Seneta Morgan Komichi vaudza Studio 7 kuti havana kufara nemashoko aVaMnangagwa nekuti havana kuburitsa pachena kuti hurumende ichaita sei kupedza matambudzika akatarisana nevanhu.
Asi vati vafara kuti hurumende yave kudzika mitemo yekuendesa masimba kumatunhu kana kuti Devolution.
Mutevedzeri wasachigaro webato reMDC Alliance VaJob Sikhala vati havana nguva yekuteerera zvinotaurwa naVaMnangagwa
Nhengo yeZanu PF, Muzvare Tatenda Mavetera vanova mumirira weSeke-Chikomba vaudza Studio 7 kuti vafara kuti mutungamiriri wenyika ave kugadzirisa nyaya yekushandiswa kwezvinodhaka nevechidiki pamwe nekodzero dzevana.
Vanoongorora nyaya dzematongerwe enyika vakazvimirira, VaGibson Nyikadzino vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo VaMnangagwa vataura mabhiri anofanira kupaswa neparamende, havaoni paramende ichipasa mabhiri aya ese sezvo yakatadza kuita izvi muchikamu chapfuura.
Mamwe mabhiri asina kupaswa chikamu chechitatu cheparamende yechipfumbabwe ave kutarisirwa kupaswa muparamende yavhurwa nhasi anosanganisira Independent Complaints Commission Bill,nePolice Amendment Bill.
Your browser doesn’t support HTML5