VaMnangagwa Vovimbisa Kusimbaradza Kuzvitonga kweMatunhu

President Mnangagwa Matabeleland

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vaita musangano nevatsigiri vavo kuGwanda kuMatebeleland South uko vapa vagari veko matsiru anodarika chiuru nemazana matanhatu, vasati vatanga musangano wekutsvaga rutsigiro mu Phelandaba Stadium.

VaMnangagwa vati hurumende yavo ichasimudzira hupfumi, kugadzirwa kwemigwagwa uye kuvandudza mitemo inokwezva vemabhizinesi.

Your browser doesn’t support HTML5

VaMnangagwa vachitaura

Va Mnangagwa vatiwo vane shungu dzekusimbaradza kuzvitonga kwematunhu kana kuti “Devolution” sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

VaMnangagwa vachitaura

Va Mnangagwa vati vacharamba vachitsigira madzishe vachivapa motokari dzekushandisa sezvo vari kufara nebasa ravanoita rekuchengetedza chivanhu.

Vatiwo chirongwa che Command Agriculture chicharamba chichivandudzwa kusvikira murimi wese awana rubatsiro.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa ku Pretoria University, Doctor Tyanayi Masiya, vanoti vanoona sekuti VaMnangagwa vari kungoita zvaiitwa nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vaivimbisa zvinhu zvakawanda pasina chinozobatika mune zvivimbiso izvi.

Vati kubatanidza kuparurwa kwechirongwa che Command Livestock nekusangana nevatsigiri vavo hazvaifanirwa kuitwa nekuti zvinotaridza kuti pane kutengwa kwesarudzo pachishandiswa hupfumi hwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Doctor Tyanai Masiya