VaMnangagwa Vokurudzirwa Kugadzirisa Hukama neVanhu VeZimbabwe Vadenda Kunze

Climate COP26 Summit

Nhepfenyuro yeZBC inoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neMuchuro vakachingamidzwa nemutungamiri wehurumende yeBritain, VaBoris Johnson, uye vakasangana nevamwe vakuru, vanosanganisira gurukota rinoona ne zveAfrica, Amai Victoria Graceford, uye mutungamiri weEuropean Council, VaCharles Michel.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter , VaMnangagwa vakati kurwisana nezvemamiriro ekunze kunobudirira chete kana nyika dzose dzikashanda pamwechete.

Nhengo yeZanu-PF Doctor Simba Mavaza veZanu-PF vanoti chinangwa chaVaMnangagwa ndechekuti VaJohnson vazive kuti Zimbabwe haisisiri nyika iya yakare yanga ine zvipomerwa asi kuti yava nyika inoda kudyidzana nedzimwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Masimba Mavaza

Asi sachigaro veMDC Alliance mudunhu reAmerica, VaTawanda Dzvokora vanoti VaMnangagwa vari kuedza kuzvichenura pamberi paVaJohnson nevatungamiri vedzimwe nyika asi vachiti hazvishandi nekuti vatungamiri venyika dzose dziri pamusangano uyu vanoziva zviri kuitwa nehurumende yavo muZimbabwe zvekutyora kodzero dzevanhu.

VaDzvokora vati kana VaMnangagwa vakasagadzirisa hukama hwavo nevanhu veZimbabwe, vari kutambisa nguva kuramba vachiedza kutsvaka husahwira nevekunze kwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora