VaMugabe naVaTsvangirai Vanoita Hurukuro Kekutanga Gore Rino

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasangana kekutanga gore rino nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakakurukura zvizhinji zvinonzi zvanga zvichida kukurukurwa pakati pevaviri ava.

Vatungamiri vaviri ava vanonzi vakurukura nyaya dzinosanganisira dzesarudzo, bumbiro idzva remitemo yenyika riri kunyorwa, kuwedzerwa kwetemu yemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, uye kuburitswa kwematsamba anenge anyoreranwa pakati pevaviri ava nevemapepanhau, zvikuru ehurumende.

VaTsvangirai vanonzi vakanyora tsamba kuna VaMugabe svondo rapera vachiti hurumende yemubatanidzwa haisi kufamba zvakanaka. Zvaive mutsamba iyi, izvo zvinonzi zvaifanirwa kunge zviri zvakavandika, zvakazoburitswa nebepanhau reThe Sunday Mail neSvondo.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio 7 kuti vatungamiri ava vari kutarisirwa zvakare kusangana neChitatu kuti vaenderere mberi nehurukuro dzavo.

Studio7 haina kutaura nemunyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, uyo anotaura akamirira VaMugabe, VaGeorge Charamba, avo vasingadi kutaura nenhepfenyuro ino.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti havaone musangano uyu uine chaunoburitsa, sezvo VaMugabe vachingoita zvizhinji voga vasingasumi VaTsvangirai.