Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti chisungo chenyika dziri mu Eropean Union, chekuwedzera nguva yezvirango zvakatemerwa ivo VaMugabe nevamwe vamwe mu Zanu-PF, hachina nematuro ose.
VaMugabe vakataura mashoko aya mushure mekuvhura kwavaita musangano wezvemabhizinisi wePan African Investment Summit, apo vange vachipindura mibvunzo yevatori venhau.
Asi mukuvhura kwavo musangano uyu zviri pamutemo, VaMugabe havana kana kutuka Britain neAmerica sezvavanoita mazuva ose. VaMugabe vakakurudzira kuvambwa kwemabhizinesi muZimbabwe nemuAfrica yose, vachiti vemabhizinesi vanogona kutanga mabhizinesi matsva munyaya dzekushanyirwa kwenyika.
Nhengo yeZanu-PF iri mukomiti inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mutsvangwa, vanoti EU haifanire kuramba ichivhiringidza hurumende yemubatanidzwa nezvirango.
Asi National Director weNCA,VaEarnest Mudzengi, vanoti mashoko aVaMugabe haana pundutso nekuti maitiro avo ndiwo ari kupa kuti vatemerwe nyora dzezvirango.
Chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti mashoko aVaMugabe ekuti vachatsvaga mumwe musika wemangoda ndeemunhu asingadi kudyidzana nevamwe mune zvakanaka.
VaMugabe vanoti nyika dzakabudirira dziri kuda kumanikidza Zimbabwe kuti itevedze zvinodiwa neKimberly Process pakatengeswa kwemangoda. Asi VaMugabe vanoti Zimbabwe inogona kubuda muKimberly Process, yozvitsvagira nzira dzekuti mangoda ayo atengeswe kune dzimwe nyika.