Vamwe muManicaland Vobatira Hura Mumaoko Sezvo Vatarisana neDutumupengo reMhepo neMafashamu eMvura

  • Blessing Zulu

Cyclone Idai

Vanhu vekuManicaland zvikuru munzvimbo dzakaita seChimanimani neChipinge vari kugara vakabatira hana mumaoko sezvo vanoona nezvemamiriro ekunze vari kuyambira kuti vatarisana zvekare nerimwe dambudziko remafashamu emvura uye dutumupengo remhepo kana kuti Tropical Cyclone Chalane svondo rino.

Dutumupengo iri rinonzi rinogona kuparadza hupenyu hwevanhu, zvipfuyo nemidziyo yavo sezvakaitwa neCyclone Idai.

Zvinonzi dutumupengo nemafashamu aya zvatotanga kuita hukasha mugungwa kana kuti Indian Ocean uye riri kutarisirwa kutanga kurova Madagascar neMozambique.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatoti vanoona nezvenjodzi veCivil Protection Unit kana kuti CPU vagare vagadzirira kunobatsira vanhu. Vamwe vari kubatsira ndevemachechi.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches Reverend Kenneth Mtata vanoti vatotangawo semachechi kutsvaga mari yekubatsira vanhu vekuManicaland.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Kenneth Mtata