Mwedzi waMbudzi unoyeuchidza vazhinji kubviswa kwehurumende yamushakabvu Robert Mugabe nemauto muna 2017 mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vainge vaenda muhupoteri kuSouth Africa vachidzoka kuzotungamira nyika.
Asi mubvunzo uri pamuromo wevakawanda ndewekuti pane chachinja here pamararamiro evana veZimbabwe sezvaitarisirwa nevakawanda vachipemberera kuti VaMugabe vainge vamanikidzwa kusiya basa.
Musi wa 14 Mbudzi 2017, motokari dzehondo dzakaonekwa kumucheto kweguta reHarare mushure mekunge vaive mutungamiri wemauto VaConstantino Chiwenga vashoropodza kudzingwa basa kwevaive mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Manheru acho pfuti dzakanzwikwa dzichirira muguta reHarare asi vakawanda vasingazive kuti chii chiri kuitika. Mauto ayo akatora nhepfenyuro yeZBC akaramba kuti aipidugura hurumende achiti VaMugabe vainge vakachengegtedzwa asi vaida kubvisa makororo ainge akavakomberedza. Asi musi wa 15 Mbudzi mauto akabva atora zvivakwa zvakawanda mudhorobha vachimanikidza VaMugabe kuti vasiye basa.
Kunyangwe vanopikisa vanoti vakapemberera n’anga neinobata mai, veZanu-PF vanoti zvinhu zvachinja sezvo yave hurumende itsva yechipiri uye Zimbabwe yainge yakasungunuka kutambira vemabhizimisi ekunze.
Mutungamiriri werimwe sangano revanotengesa mumigwagwa re National Vendors Union of Zimbabawe VaStan Zvorwadza vanoti muna 2017 vakapemberera asi tarisiro yavo haina kubuda.
Mashoko aya atsinhirwa nevanoona nezvemabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum VaVaWilbert Mandinde vati mitemo haisi kutevedzwa uye kumbunyikidzwa kwemasangano akazvimirira oga kuri kuenderera mberi.
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vanoti pane zvishoma zvavandudzwa munyaya dzezvehupfumi asi izvi hazvina kubatsira vakawnada vari kunonga svosve nemuromo.
Mutauriri wevechidiki mubato rinopikisa reMDC Alliance, VaStephen Chuma vatiwo vainge vaine chivimbo chekuti kubviswa kwaVaMugabe kuchaunza matongero matsva asi zvinhu zvatoenda kumawere.
Asi vakafasanobata chigaro chemutauriri webato reZanu PF VaMike Bimha vanoti VaMnangagwa vaunza shanduko munyika uye varatidza hutungamiri pakurwisa denda reCovid-19.
VaBimba vanoti matambudziko evana veZimbabwe achapera nekuda kwezvirongwa zvebudiriro zviri kuitwa nehurumende itsva kusanganisira kusimudzira zvekurima, maindasitiri nezvimwe.
Panyaya yehuori hunonzi nevakawanda hwapfunya chisero munyika, VaBimha vati VaMnangagwa vari mugwara kurwisa dambudziko iri.
Izvi zvatsinhirwa neimwe nhengo yeZanu-PF vari mukuru wesangano reZimbabwe Citizens Forum VaTaurai Kundishaya vati VaMnangagwa vari kuzadzikisa zvavakavimbisa.
Vachigadzwa kuve mutungamiriri wenyika muna 2017, VaMnangagwa vakavimbisa kuunza shanduko kuvana veZimbabwe, kurwisa huori, kuteerera zvinenge zvichidiwa nevanhu munyika, kugadzirisa dambudziko rehurombo, kushaikwa kwemabasa, kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehutano nezvimwewo.
Asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi vachiti VaMnangagwa vave kutoita kuti VaMugabe vaite sekunge vaive mutsvena.