Vana Utsanana Mazana Matatu Vanopedza Zvidzidzo kuMutawatawa

Kwakanga kuine mufaro mukuru paMutawatawa Growth Point mudunhu re Maramba Pfungwe kuMashonaland East neChina apo vanosvika mazana matatu vakaitirwa mabiko ekupemberera kubudirira kwavo muzvidzidzo zvevashandi vehutsanana.

Hurongwa hwekudzidziswa basa rezvehutano hwevana pamwe navana nyamukuta, hwakaitwa mukati memazuva gumi, zvekuti vanhu ava vakatotanga kuita basa rekudzidzisa vanhu kukosha kwehutano munzvimbo dzavanogara.


Vachitaura pachiitiko ichi, vanoona nezvekufambiswa kwechirongwa ichi musangano reCommunity Working Group on Health, Amai Caroline Mubaira, vakati chirongwa ichi chakakosha zvikuru.

Amai Mubaira vakati vane tarisiro yekuti basa richaitwa navana utsanana, richakwanisa kuderedza kufa kwevana vadiki pamwe nemadzimai akazvitakura.

Vachitaurawo pangungano iri, Provincial Medical Director wenzvimbo iyi, VaSimukai Zizhou, vakatiwo basa richaitwa navana hutsanana richabatsira hurumende kukurumidza kuziva matambudziko ari kuitika munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Mumwewo mugari weku Nyamhara, mudunhu reUzumba, Amai Fadzai Katsande, vakatiwo chirongwa ichi chakakosha sezvo vagari vekumaruwa vachange vowana rubatsiro kubva kuvanhu vane ruzivo.

Mumwewo wavana utsanana ava, Amai Emilia Chibundu, vakati vane tarisiro yekuti basa ravo richabatsira zvikuru vanhu vazhinji.

Vana utsanana ava vakadzidziswa basa iri neCommunity Working Group on Health, ichishanda ne United Nations Children’s Fund.

Chirongwa chavana hutsanana chakange chimboripo munyika makore apfuura, asi nekuwondomoka kwakaita zvinhu munyaya dzezveutano, chirongwa ichi chakabva changofawo chakadaro.

Community Working Group on Health inoti zvakakosha kuti Zimbabwe ivakiridze zvekare bazi rezveutano kubva pasi kuenda kumusoro, kuitira kubudirira kwakanaka kwenyika yose.