Vana Vasiri Kunyora Bvunzo Vovhura Zvikoro neMuvhuro Asi Paine Kunetsana Pakati peHurumende neVabereki

  • Blessing Zulu

Zvikoro zviri kutarisirwa kuvhurwa neMuvhuro kune vana vasiri kunyora bvunzo uye vamwe vavo vatotanga kuenda kuzvikoro izvi nhasi. Vana vari kunyora bvunzo vakavhura musi wa 30 Nyamavhuvhu.

Kunyangwe hazvo vabereki vakawanda nevamwe varairidzi vasiri kufara nemamiriro akaita zvinhu mune zvimwe zvikoro zvikuru panyaya yekudzivirira denda reCovid-19 uye mari dzechikoro dzakawedzerwa, mutauriri webazi rezvehutano VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti vari kufara nezvaitika kusvika parizvino vachiti bazi ravo rakagadzirira zvakakwana uye hapana matambudziko avari kusangana nawo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTaungana Ndoro


Zvichakadaro, mukuru wesangano rekusimudzirwa kwezvikoro reSchool Development Association VaBanny Manokore varamba mashoko ekuti zvikoro zvizhinji zviri kungowedzera mari dzechikoro pasina kutenderana nevabereki.

Vati zvikoro zvizhini zviri kuwedzera mari nekuti zvinoda kubhadhara vashandi uye zvimwe zvine zvikwereti zvakakura kuvashandi ava.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBanny Manokore


Asi mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ VaObert Masaraure vanoti hakuna zviri kuitwa kuzvikoro sezvo varairidzi vari kuramwa mabasa uye vabereki vakawanda vari kutadza kubhadhara mari dzechikoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure

VaMasaraure vati varairidzi vari kuda kutambiriswa mari inosvika mazana mashanu ekuAmerica vasati vatomboita nhaurirano dzekuti iwedzerwe.

Asi vachitaura nebebapanhu reSunday Mail, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vati vashandi vehurumende vachapihwa mari dzemabhonasi gore rino uye nhaurirano dziri kutanga munguva pfupi inotevera panyaya yemari dzavanotambiriswa. VaMasaraure vati misangano haibatsire nekuti VaNcube vari kuziva zvichemo zvavo kare.