Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevaviri vakafa nezuro nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira muna 2019 vave zviuru zvishanu nezana nemakumi mana nevasere kana kuti 5,148.
Vanhu mazana matanhatu nemakumi matatu nevatanhatu kana kuti 636 vakabatwa nechirwere ichi nezuro zvasiya vabatwa nacho vave zviuru mazana maviri nemakumi maviri nechimwe zvine mazana mapfumbamwe negumi nevasere kana kuti 221 918.
Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni mana nezviuru zana nemakumi matanhatu zvine mazana masere nemakumi maviri nemaviri kana kuti 4 164 822 vabayiwa nhomba kekutanga.
Vabayiwa kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru zana nemakumi masere nechimwe zvine mazana masere negumi nevatanhatu kana kuti 3 181 816. Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru gumi nechimwe zvine mazana masere nemakumi manomwe kana kuti 11 870.
Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshande zvakanaka.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vanova munyori mubazi reZimbabwe Medical Association mudunhu reMashonaland vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vanosangana neveruzhinji, vakwegura uye vari munjodzi yekurwara kana kufa vakabatwa nechirwere ichi vabayiwe nhomba yechitatu.
Your browser doesn’t support HTML5