Vanhu Vazhinji muZimbabwe Havana Chikafu Chakakwana

Gwaro iri rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni matanhatu nemazana matanhatu ezviuru, 6,6 million mu Zimbabwe, vari kutambudzika nenyaya dzechikafu.

Svondo rapera sangano re United Nations Children’s Fund, UNICEF, rakaburitsa gwaro rinoratidza kuti vanhu vazhinji muZimbabwe havasi kukwanisa kuzvitengera chikafu zvekuti vana vazhinji vari kugara nenzara inotyisa.

Gwaro iri rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni matanhatu nemazana matanhatu ezviuru, kana kuti 6,6 million muZimbabwe, vari kutambudzika nenyaya dzechikafu.

Sangano iri rinotiwo vanhu vanosvika zvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana, vari kurarama nemari iri pasi pe poverty datum line – mari inotarwa kuti mhuri ine vanhu vatanhatu vakwanise kurarama munyika.

Nzvimbo zhinji munyika dzinonzi hadzina chikafu nekuda kwekusanaya kwemvura kwakakwana, pamwe nekushaiwa mbeu nefetereza.

Hurumende yaimbova yaVaMugabe pasati pava nehurumende yemushandira pamwe, inopomerwa mhosva yekuparadza nyaya yekurima munyika nekubvuta kwayakaita minda yevachena zvisina kurongeka.

Mutauriri we UNICEF muZimbabwe, Muzvare Tsitsi Singizi, vanoti hurumende pamwe nemasangano anobatsira nechikafu zvinofanirwa kugadzirisa nyaya yechikafu munyika.

Ukuwo mutungamiri weChristaian Care muZimbabwe, Va Forbes Matonga, vanoti mvura zhinji iri kunaya pari zvino hapana zvizhinji zvairi kuitiswa nekuti vanhu vazhinji havakwanisi kushandisa mukana uyu kuti vabate mvura iyi.