Vanhu Vokurudzirwa Kuvhenekwa Chirwere cheShuga

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vaende kunovhenekwa chirwere cheshuga sezvakakurudzirwa navanachiremba apo Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika musi wa14 Mbudzi mukucherechedza zuva rekupa vanhu chenjedzo yechirwere ichi.

Sangano rinoona nezvezvirwere zveshuga pasi rose reInternational Diabetes Association rinoti muAfrica vanhu makumi matanhatu kubva muzana vari kurarama nechirwere cheshuga asi vasingazvizive.

Munhu akabatwa nechirwere cheshuga anenge ototarisirwa kuti anwe mushonga kwehupenyu hwose.

VaMatthew Chandaengerwa vane makore makumi matanhatu nematatu vanoti vakabatwa chirwere cheshuga muna 1987 uye hazvisi zvinhu zviri nyore kurarama nacho.

Chirwere ichi chikasarapwa chinokonzera zvirwere zvakaita seitsvo, kuoma mutezo, kudimburwa makumbo uye dzimwe nguva munhu anogona kuguma ave bofu. VaChandaengerwa vanoti vavewo nedambudziko remaziso.

VaChandaengerwa variri kukurudzira hurumende kuti ibatsire vari kurwara nechirwere ichi nekuti mishonga yacho inodhura.

Izvi zvatsigirwa nemutori wenhau Vanessa Gamuchirai Gonye anoraramawo nedambudziko reshuga iri.

Muzvare Gonye vanotiwo nekuoma kwehupenyu, kuwana zvekudya zvinokurudzirwa kana munhu aine chirwere ichi idambudziko.

VaBernard Musarurwa vakabatwawo nechirwere ichi muna 2008 vakuridzirawo hurumemde kuti ibatsire kutenga mishonga yezvirwere zvisingarapiki pachena.

Ko zvii zvingaitwe kudzivirira chirwere ichi? Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vanova munyori wezhehutano muMDC Alliance vanotsanangura.

Kune avo vatove nechirwere ichi VaMadzorera vanoti zvakakosha kuti vadye zvine hutano.

VaMadzorera vanotiwo vazhinji vaive nechirwere cheshuga vakarwarisa zvakanyanya vabatwa nechirwere cheCOVID-19 huyewo vamwe vakafa.

Imwe nyanzvi munezvehutano, Amai Rudo Ahli vanoti kunyangwe chirwere ichi chichibata vakuru, kune vamwe vana vanozvarwa vaine chirwere ichi ichinzi type 1 diabetes.

Amai Vahli vatiwo chirwere cheshuga chinokanganisa nhengo dzakawanda dzemuviri.

Ongororo yakaitwa nebazi rezvehutano yakaratidza kuti munhu mumwechete kubva muvanhu gumi ane chirwere cheshuga munyika. Vachitaura kuChivhu pazuva rekucherechedza zuva iri svondo rapera, gurukota rezvehutano Doctor Constantino Chiwenga vakati hurumende ichayedza kuti iwanise vanhu mishonga yechirwere ichi.

VaChiwenga vakakurudzira vanhu kuti vapote vachienda kunovhenekwa chirwere ichi.

World Health Organisation inoti vanhu mamiriyoni mazana mana ane makumi maviri nemaviri kana kuti 420 million varikurarama nechirwere cheshuga.