Vanhu vakawanda vari kuda kutora magwaro ekufambisa vari kupedza masvondo akawanda vakamirira kutora magwaro aya, sezvo vekumahofisi ekwa Registrar-General, ave kupa magwaro ekufambisa echimbi chimbi ayo anodhura zvakanyanya.
Nepamusana pedambudziko iri, vave vava kuita zvehuori vachibhadharisa vanhu mari yechioko muhomwe kuitira kuti vapihwe magwaro ekufambisa aya.
Gurukota rezvemukati menyika, Amai Theresa Makone, vashanyira mahofisi aya vachiona zviri kuitika. Amai Makone vaudzwawo nevanhu vari mumitsetse matambudziko vari kutarisana nawo.
Vati hurumende ichaita zvose zvinodiwa kugadzirisa zviri kunetsa. Asi havana kutaura kuti vachaita zvipi zvacho zvichagadzirisa dambudziko iri.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotiwo kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi, pamwe nezvematongerwo enyika, zvava kupawo kuti vakawanda vatsvage magwaro kuitira kuti vabude muZimbabwe vachinotsvaga mafuro manyoro.
Mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, pamwe naVaBriggs Bomba, avo vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vanoti hurumende yemubatanidzwa yatadza kupedza huori huri kumahofisi aya.