Vanomirira Masangano eMitambo Vokumbira Hurumende Kuti Vadzoke Munhandare

  • Michael Kariati

Masangano anomirira vatambi mumitambo yakasiyana siyana aisa zvikumbiro kuhurumende kuti vatenderwe kuendera mberi nemitambo mushure mekunge mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga vati mitambo yose imbomiswa kutanga neMuvhuro senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muraridzi webasketball Edmore Zivanai Muthetwa anoti ari kushushikana zvikuru nekuti hurumende yakatora danho iri isina kutaurawo navo.

Kugunun’una uku kwauya panguva iyo veZimbabwe Cricket neZimbabwe Rugby Union vaisa chikumbiro kuhurumende kuti vatenderwe kuenderera mberi nemitambo.

Gwaro rabva kuZimbabwe Cricket riri kukumbira kuti vapedzise mutambo wavo wemazuva mana uripo pakati peZimbabwe A neSouth Africa A uyo wakatanga nesvondo ndokumiswa neMuvhuro.

Pamusoro pezvo, Zimbabwe Cricket yakumbira kupihwa mukana wekuti zvikwata zvenyika zvitenderwe kuita gadziriro yemitambo neve kune dzimwe nyika iyo yaive yarongwa kare.

Murairidzi wechikwata chevanhukadzi chemaLady Chevrons Adam Chifo anoti ane chivimbo chekuti chichemo chavo chichanzwikwa vakatarisana nemitambo ye2022 World Cup.

Mukuru weZimbabwe Rugby Union VaAaron Jani vazivisawo kuti vakumbirawo mukana wekuti zvikwata zvenyika zvigadzirire makundano eAfrica Cup ayo ariko mwedzi unotevera.

Makundano eAfrica Cup ayo arikutirwa kuTunisia ari kushandiswa senzira yekuenda kuWorld Cup.

VePremier Soccer League neve Zifa vanonzi vari mubishiwo rekuedza kuti mitambo yeChibuku Super Cup ienderere mberi.

Mutauriri weZFA VaXolisani Gwesela veZifa vanoti vanyorawo tsamba kuSport and Recreation Commission kuti mitambo yenhabvu irambe ichitambwa sezvanga zvichingoitwa masvondo mana apfuura.

Anotaura akamirira PSL Muzvare Kudzai Bare vati pasvika nyaya iyi hapasisiri pezera ravo asi reZifa neSRC.

Murairidzi weTriangle Taurayi Mangwiro anoti ane chivimbo chekuti mitambo ichaenderera mberi achiwedzera iye kuti panguva ino vatambi vavo vachange vachiita gadziriro vari kudzimba.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaJustice Muzanenhamo vanoti nemamiriro akaita zvinhu hurumende yagona kumisa mitambo.

Aka kave kechipiri mitambo ichimiswa nehurumende nemhaka yechirwere cheCovid 19 chakatanga kupararira munyik gore rapera.