VaNyaruwa Vanonzi Vakapfurwa neMapurisa Mumhirizhonga Vanoradzikwa

  • Blessing Zulu

VaSolomon Nyaruwa

Mumwe mugari wemuMarondera akapfurwa nemapurisa akafa VaSolomon Nyaruwa vanonzi vakaradzikwa kuChimanimani nemusi weSvondo.

VaNyaruwa vanonzi vakangobatanidzirwa mumhirizhonga yekuratidzira kwaiitika apo vaienda kunotora chikwereti chavo mudhorobha reMarondera nemusi weChipiri.

Kuratidzira munyika kwakatanga nemusi weMuvhuro vanhu vachiti havasi kufara nekukwidzwa kwemitengo yemafuta zvapa kuti zimbabwe ive nyika pasi rose ine mafuta ekufambisa dzimotokari anodhura zvakanyanyisa.

Muzukuru wavaNyaruwa, VaDarlington Vambe vanoti muchakabvu asiya vana vaviri mumwe asati atombosvika kana gore azvarwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDarlington Vambe