Vari kutungamira nhaurirano dzemapato ari muhurumende yemubatanidzwa vanonzi vakasvitsa kuvatungamiri vavo gwaro rezvavakabuda nazvo munhaurirano dzavakaita svondo rapera.
Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti hapana zvakashanduka kubva pane mashoko akaturwa svondo rapera nevari kumirira mapato aya munhaurirano.
Vari kutungamira chikwata chenhumwa dzemuyananisi uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti vari kutarisira kutambira gwaro iri neChipiri muSouth Africa, rozosvitswa kuna VaZuma nemusi weChitatu.
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yakazivisawo kuti kana Kurume akapera pasina chawiriranwa, yaizokwidza nyaya iyi kuSADC. Mutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti vamirira kuti mutungamiri wavo, VaTsvangirai, vazivise dare repamusoro rebato, kuitira kuti vazotora matanho.
Zanu PF inotiwo haisi kuzobvuma kugadzirisa zvinhu kudzamara zvirango zvayakatemerwa nenyika dzakabudirira, zvabviswa. Asi vamwe vanoti pane zvinhu zvakawiriranwa, kunyange hazvo pasina ari kubuda pachena.
VaMugabe naVaTsvangirai vari kunetsana muhurumende yemubatanidzwa pamusoro pekugadzwa kwakaitwa gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, muchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, naVaMugabe vasina kutaurirana naVaTsvangirai, sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.
VaMugabe vari kurambawo kugadza mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, vachiti vachaita izvi kana matare edzimhosva awana VaBennett vasina mhosva dzavari kupomerwa.
VaMugabe vari kuramba zvakare kugadza magavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri musarudzo dzemu 2008.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti hapana chinomboshanduka kana veZanu PF vakasashandura mwoyo pane zvavari kuda.