Varwere vePfungwa paNgomahuru Vogeza Mudziva Rine Ngwena Nekushaya Mvura

Dzimwe hama dzevarwere vepfungwa vari pachipatara cheNgomahuru kuMasvingo dzinoti dziri kutyira kuti vanogona kurumwa nemakarwe kana kunyura mumvura apo vanenge vachigeza murwizi sezvo chipatara ichi chaita dambudziko guru rekushaya mvura kubva zvafa pombi dzemvura.

Vakuru vepachipatara apa vanoti vave kusvika mwedzi miviri vasina mvura sezvo Zimbabwe National Water Authority(ZINWA) isiri kugadzira muchina unopomba mvura.

Mukuru wepachipatara apa, Dr Parirenyatwa Maramba, vati varwere vanofanira kugeza zuva nezuva nekudaro vanotoenda kurwizi rweMagwangwadza, urwo runopinda mudhamu reTugwi Mukosi rine makarwe anorura.

Asi izvi hazvisi kufadza hama dzevarwere ava dzinoti dzave kugara dzakabatira hura mumaoko dzichityira kuti vanogona kubatwa nemakarwe kana kunyura mumadziva sezvo pfungwa dzavo dzisinganyatsoita zvakanaka.

VaSimbarashe Dhauzi, vane mwana wavo pachipatara apa vanoti vave nenguva vachishungurudzika nekutyira hupenyu hwemwana wavo.

Amai Anna Magwaza, vekwa Madamombe, kwaChivi, vane hanzvadzi yavo inogara pachipatara apa vanoti kunze kwekutyira makarwe, hama dzavo dzinogona kutiza vashandi vepachipatara apa pavonobuda muwaya vachienda kurwizi vakazoshaikwa zvachose votetereka nenyika.

Vanoona nezvekushanda neveruzhinji pachipatara cheNgomahuru, VaMorgan Manzunzu, vanoti vanotairisa kuti dambudziko iri richagadziriswa nekukurumidza, uye vari kutora matanho kuti varwere vasanyura kana kubatwa nemakarwe.

Vaenderera mberi vachiti mvura yekunwa nekubikira varwere vanotora pachibhorani asi yekugeza inodiwa yakawanda nekuwandawo kwakaita varwere ndosaka vachienda kurwizi.

Mutauriri weZINWA, Amai Marjorie Munyonga, vati dambudziko riri kugadziriswa uye vanotarisira kutanga kupomba mvura zvakanaka mangwana(Chipriri 16).

Chipatara cheNgomahuru chine varwere vepfungwa vanosvika zana nemakumi matatu nevashanu. Varume vari zana negumi uye vakadzi vari makumi maviri nevashanu.

Chipatara ichi ndicho choga chevarwere vepfungwa mudunhu reMasvingo uye chiri chimwe chezvishoma munyika yose.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba