Vashandirwi vekuChina Munyika Voshungurudza Vashandi

  • Jonga Kandemiiri
Mutungamiri wechimwe chikwata cheZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti kugadzirisa dambudziko iri kunge pagarwa pasi nemapoka ose.

Makambani ekuChina ari kushanda munyika mumabasa ekuvaka nemumigodhi anonzi ari kutyora kodzero dzevashandi zvakanyanya, uye mitemo yemabasa kuburikidza nemabatiro avanonzi vari kuita vashandi vavo.

Izvi zvakaudzwa komiti yeparamende inoona nezvemabasa nevashandi neMuvhuro nemunyori mukuru wesangano reNational Employment Council for the Construction Industry of Zimbabwe, NECCIZ, VaDzokamushure Taruvinga.

VaTaruvinga vakati sangano ravo riri kutambira zvinyunyuto zvakawanda zvikuru kubva kuvashandi.

Zvimwe zvezvinyunyuto izvi zvinosanganisira kurohwa kana kutukwa kwevashandi, kutambiriswa mari dziri pasi pedzakatarwa, kushandiswa kwenguva ndefu pasina miripo, uye kusapiwa mbatya dzakakodzera pamabasa avanenge vachiita.

Zvinonziwo mapayslip evashandi ava anenge akanyorwa nemutauro weku China, uyo vasingakwanisi kuverenga nekunzwisisa.

Ivo vashandirwi vanonzi vari kutiwo havanzwi chirungu.

Svondo rapera, vashandi vekambani yeAnjin, iyo iri kuchera mangoda kwaChiadzwa, vakaratidzira vachiti havasi kubatwa zvakanaka nevakuru vavo veku China.

Matambudziko anonzi ari kukonzerwa nemaChina aya haasi muZimbabwe chete, sezvo ari kuwanikwavo munyika dzakawanda dzakaita seZambia, Kenya neDemocratic Republic of Congo, kungodoma shoma.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi nemabasa, Amai Paurina Mpariwa-Gwanyanya.

Mutungamiri wechimwe chikwata cheZCTU, VaLovemore Matombo, vati kugadzirisa dambudziko iri kunge pagarwa pasi nemapoka ose ari muTripatite Negotiating Forum.

Nyanzvi munyaya dzemabasa nevashandi, vachishanda vakazvimirira, VaDavies Ndumiso Sibanda, vaudza Studio7 kuti vashandi munyika havanawo zvavari kuita pakuzvimirira kuitira kuti vasarambe vachishungurudzwa.

VaSibanda vati vashandi vanokwanisa kuendawo kumatare edzimhosva anotarisa nyaya dzevashandi nevashandirwi kana vachinge vashungurudzwa.