Vatambi Vemutambo WeRugby WeChidiki Vatatu Vobatwa Vane Mushonga Usingabvumirwe Muropa Ravo

Sangano re Zimbabwe Rugby Union rinoti rakaziviswa ne sangano re International Rugby Board, IRB, kuti pane vatambi vatatu ve Rugby under 20 vakabatwa nemhosva yekutora mishonga isingabvumidzwe.

Vatambi ava vakaonekwa vaine mishonga iyi muropa mavo apo vakange vari kumutambo we Juniour World Rugby Trophy Finals mu America mwedzi wapera.

Kunyange hazvo pange pane vatambi vakawanda vange vachipomherwa mhosva iyi, vatambi vatatu chete ndivo vanonzi vawanikwa vaine mhosva ne sangano re IRB. Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano re IRB, iyo ine muzinda mukuru muIreland, va James Fitzgerald, vaudza Studio7 kuti sangano ravo richiri kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi uye richazopa mafungiro aro kana rapedza.

Maneja vesangano re Zimbabwe Rugby Union, vaSifiso Made, vanoti vakamirira kunzwa kubva kusangano iri kuti vopa mutongi wakadiyi kuvatambi ava.

VaMade vanoti sangano ravo richaferefeta kuti rizive kuti vatambi ava vakawana kupi zvavakatora kuitira kuti zvinhu zvakadai zvisaitike mune ramangwana. VaMade vaenderera mberi vachiti sangano reIRB rakavazivisa kuti zvakabuda pamakwikwi ekuAmerica zvirikukandwa parutivi zvichitevera kubatwa nemhosva kwakaitwa vatambi vatatu vemaYoung Sables. Chikwata ichi chakakundwa pamitambo yacho yese pamakwikwi aya.