Vatori venhau neMuvhuro vakacherechedza zuva rekuremekedzwa kwekodzero dzavo kana kuti World Press Freedom Day vachichema chema kuti makore makumi matatu mushure mechibvumirano chekuWindoek Declaration vachiri kushanda vakamanikidzika munyika.
Mumwe mutori wenhau, VaEliah Ntali vaudza Studio 7 kuti chibvumirano chakaitwa kunyika yeNamibia muWindhoek, chinozivikanwa nekuti Windhoek Declaration chinokurudzira kufambiswa kwemashoko zvakasununguka hachisati chazadzikiswa munyika vachipa muenzaniso wekusungwa nekumbunyikidzwa kwevatori venhau.
Mumwe mutori wenhau John Cassim atsinhirawo mashoko aya vachiti pakapidigurwa hurumende yamushakabvu Robert Mugabe nemauto muna 2017, zvinhu zvakamboita nani pakapinda VaEmmerson Mnangagwa panyanga asi iko zvino hazvichisina kumira zvakanaka.
Mukuru we Media Institute of Southern Africa- Zimbabwe kana kuti Misa-Zimbabwe VaTabani Moyo vatiwo basa rekutapwa kwenhau harisi kufamba zvakanaka vachitiwo vatapi venhau vari kushungurudzwa, kusungwa uye kune dzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica vari kuurayiwa.
VaMoyo vatiwo panguva ino yedenda reCovid-19 vatapi venhau vanofanirwa kupiwa zvinovadzivirira pavanenge varikubasa vakarumbidza hurumende yeZimbabwe nekutenda kuisa vatori venhau pavanhu vakatanga kubaiwa nhomba.
VaMoyo vatiwo hurumende inofanirwa kuisa mitemo inokurudzira kufambiswa kwemashoko kwakasununguka vakatiwo mitemo irikuda kuiswa yakadai seCybersecurity and data protection Bill inodzorera shure kufambiswa kwemashoko zvakasununguka
Mukuru weZimbabwe Association of Community Radio Stations (ZACRAS), Muzvare Vivenne Marara vakurudzirawo hurumende nevatori venhau kuti vawanise veruzhinji ruzivo rwakakwana kuti vatore matanho akakosha muhupenyu vaine ruzivo rwakakwana.
Vatori venhau vemuZimbabwe vanotiwo chirwere cheCovid-19 chasiya vazhinji vavo vave parumananzombe sezvo mamwe makambani enhau onetsekana kubhadhara vashandi.
Mugwaro ravo rekucherechedza WPFD, Amnesty International yatiwo kumabudazuva nekuchamhembe kweAfrica vatori venhau vari kumbunyikidzwa izvo zvosanganawo nedenda reCovid-19 .
Amnesty International yati Zimbabwe irikushungurudzawo vatori venhau kuburikidza nekusungwa pamwe nekukanganiswa pakushanda. Mumwe mutori wenhau wekuManicaland, Sydney Saize akasungwa mugovera achiita basa rake.
Asi hurumende iri kuramba mashoko ekuti iri kushungurudza vatori venhau ichiti iri kutoisa mitemo yekurerutsira vatori venhau. Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vaudza Studio 7 kuti pane mitemo yakawanda yadzikwa kurerutsira vatori venhau.
Asi mumashoko kuvatori venhau, rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti hurumende inofanira kumisa tsika yekumbunyikidza kodzero dzevatori venhau sezvo zvichikanganisa nyaya yehutongo hwejekerere.
Zuva reWorld Press Freedom Day rinocherechedzwa musi wa 3 Chivabvu gore rega rega uye gore rino ririkucherechedzwa pasi pedingindira rakanangana nekukosha kwekuburitswa kwemashoko kuruzhinji kana kuti “information as a public good."
Your browser doesn’t support HTML5