VaTrump Vopumha China Huroyi paNyaya yeCovid-19

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump neChipiri vakashora zvikuru nyika yeChina vachiti ndiyo yakakonzera chirwere cheCovid-19.

VaTrump vainge vachitaura pavhihiyo kugungano reUnited Nations General Assembly sezvo vatungamiri venyika vakakundikana kuenda kumuzinda weUnited Nations muNew York nekuda kwekupararira kwechirwere cheCovid-19 .

Vakati China inofanira kutorerwa matanho akaomarara nekukonzera kupararira kwechirwere ichi uye kubatana neWorld Health Organization kunyebera pasi rose pakatanga chirwere ichi kuti i hachaitapuriranwa pakati pevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaDonald Trump kuUN

Asi mumashoko avo kugano iri neChipiri chakare, mutungamiri wenyika yeChina VaXi Jinping vakati vainge vasiri kuda kutanga hondo yemashoko neAmerica.

MuAmerica ndimo mafa vanhu vakawandisa nechirwere cheCovid-19 avo vadarika zviuru mazana maviri kana kuti 200, 000. VaTrump vakati America iri pachidanho chepamusoro soro kutsvaga mushonga wekurapa chirwere cheCovid-19.

Kunetsana pakati peAmerica kuri kuenderera mberi zvichisanganisirawo pakusagadzikana kwezvinhu kuHong Kong uye kutyorwa kunonzi kuri kuitwa kodzero dzevechitendero chechiMuslim mudinhu reXinjiang muChina.

Vamwe vatungamiri vakataura kungano iri vanosanganisira VaEmmanuel Macron vekuFrance uye VaVladimir Putin vekuRussia.