Argentina Inokunda South Korea 4-1

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mumakwikwi e2010 FIFA World Cup Soccer ari kutambirwa muSouth Africa, Argentina yakunda South Korea 4-1.

Mutambi anotambira Real Madrid, Gonzal Higuain, anwisa zvibodzwa zvitatu.

Ukuwo Greece yakunda Nigeria 2-1.

Mexico yakunda France 2-0 mumutambo weGroup A. Izvi zvinoreva kuti Uruguay ndiyo yava kutungamira iine mapoinzi mana. Mexico iri kutevera iine mapoinzi matatu, kuzouya Fance ne South Africa idzo dzine poindi imwe chete kubva mumitambo maviri yatambwa nezvikwata izvi.

South Africa neFrance dziri kusangana neChishanu mumutambo wekuzvityora makumbo nekufamba, sezvo zvikwata zviviri izvi zviri kuda kuenderera mberi muchikamu chechipiri mumakwikwi aya.

Kuti izvi zviitike, South Africa, kana kuti France, inofanirwa kukunda imwe nezvibodzwa zvakawanda.

Mumwe mutambi weDynamos, Cuthbert Malajila, anoti haasi kufadzwa nekushatirwa kwaita mutambi we Nigeria, Sani Kaita, uyo adzingwa muchikamu chekutanga zvichitevera kusundidzira kwaaita mutambi weGreece, Vissils Toresidis, zvisiri pamutemo.