Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya yekuti hurumende yemubatanidzwa iri kukundikana kuzadzisa chibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA, izvo vanoti zviri kutadzisa kumutsiridzwa kweupfumi hwenyika.
Vachitaura pakuparura musangano wezvemabhizimusi kuZimbabwe International Trade Fair kuBulawayo, ZITF, VaTsvangirai vati papera gore hurumende yemushandira pamwe yaumbwa, asi vari muhurumende vachiri kungokurukura nezvezvinetswa munhaurirano, panzvimbo yekuti vange vachipedzera masimba avo mukumutsiridza upfumi hwenyika.
VaTsvangirai vatiwo munyika mune huwori hukuru huri kuitika muzvicherwa, izvo zviri kudzorera nyika shure.
ZITF yakatanga neChipiri uye iri kutarisirwa kuvhurwa zviri pamutemo neChishanu nemutungamiri weIran, VaMahmoud Ahmadinejad.
Zvinonzi gore rino pane makambani anopfuura zvishoma mazana manomwe nemakumi mashanu ari kuratidza zvigadzirwa zvawo. Makambani aya anosanganisirawo ekunze.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vaudza Studio7 kuti mashoko aVaTsvangirai ndeekungosimbisa chete zvavagara vachitaura nguva zhinji zvakafanana nenyaya dzehuwori.