VaTsvangirai Vanosangana neMakurukota Pamwe neVamiriri veDare reParamende

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana muHarare nemakurukota pamwe nevamiriri vedare reparamende, nechinangwa chekuvaka hwaro hwemashandiro akanaka pakati pemativi maviri aya.

Zvinonzi panga pava neropa rakaipa pakati pevamiriri vedare reparamende nemakurukota. Zvinonzi makurukota haasi kufara nemabatirwo aanoitwa nemakomiti eparamende, kana vachibvunzurudzwa vamire pamberi pemakomiti aya. Zvinonzi makurukota ehurumende aiona seari kuzvidzwa kana akadaidzwa kuti amire pamberi pemakomiti aya achibvunzurudzwa nevanhu vari pasi muhurumende.

Kusawirirana uku kunonzi kwakabuda pachena apo bazi rezvemigodhi rakamiswa pamberi pekomiti yezvezvicherwa richibvunzwa pamusoro pemashandiro emakambani ari kuchera mangoda kwaChiadzwa.

Zvinonzi gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vati komiti yeparamende haifanirwe kuvabvudzurudza sezvinonzi vari kutaura nepwere.

Munyori weparamende, VaAustin Zvoma, vaudza musangano uyu kuti komiti yeparamende ine masimba ekubvunza makurukota ose, sezvi iine masimba ekuita izvi.

VaTsvangirai pamwe nemutauriri weparamende, VaLovemore Moyo, vanonzi vaudza mativi maviri aya mashandiro eparamende, uye kusiyaniswa kwemashandiro avo vose.

RadioVoice of the People inotiwo makurukota mashoma, kusanganisira gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, gurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, gurukota rezvemhando dzemoto, VaElias Mudzuri, nevamwe ndivo vapinda mumusangano uyu.

Asi mamwe makurukota anonzi haana kupinda musangano uyu.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vaudza Studio7 kuti musangano uyu waedza kupedza kusawirirana kunonzi kwanga koda kuitika pakati pemakurukota nenhengo dzedare reparamende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi renhengo dzeparamende kana dzagutsikana nemusangano uyu.