VaTsvangirai Vanoti Hurumende Yakazvipira Kugadzirisa Dambudziko reVarairidzi

  • Jonga Kandemiiri

Hurumende inoti yakazvipira kuona kuti varairidzi vararama hupenyu hwakanaka kuburikidza nekugadzirisa nyaya dzemihoro yavo pamwe nekuvawanira zvekushandisa mubasa ravo.

Mumashoko avo pakuvhura zviri pamutemo kwemusangano wepagore wechimakumi maviri nepfumbamwe wesangano revarairidzi reZIMTA, ayo averengwa negurukota muhofisi yemutungamiri wenyika, VaGorden Moyo, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vati hofisi yavo pamwe nehurumende yemushandira pamwe, vakazvipira kuona kuti varairidzi vawaniswa mari dzemihoro dzinowirirana nehunyanzvi hwavo.

VaTsvangirai vatiwo hurumende ichaita izvi kuburikidza nekuisa varairidzi mberi kwezvirongwa zvebudiriro zviri kuitwa nehurumende. Vatiwo hurumende inokwanisa kuita izvi chete kana zviwanikwa zvenyika zvakashandiswa nemazvo.

Asi vakafanobata chigaro chaChief Executive Officer weZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vaudza Studio7 kuti havafari kuti hurumende haina kutara nguva yekugadzirisa matambudziko avo.